Akany’ura achibhabhatidzwa

Abel Ndooka

MUKADZI wekwaGutu, kuMasvingo, anonzi akafa nekuny’ura mumvura apo ainge ari pakati pekubhabhatidzwa nemumwe muporofita mune rumwe rwizi rweko.

Priviledge Mabasa – uyo anga ave nemakore 26 okuberekwa – anonzi akaenda kurwizi Mutorahuku apo ainge aina Madzibaba Benson Mutuzungara nevamwe vanhu vatatu vanofungidzirwa kuti vanopinda chechi yamadzibaba uyu avo vaida kubhatatidzwa murwizi urwu.

Madzibaba Benson naMabasa vanonzi vakazopinda mudziva ndokutanga kubhabhatidzana asi vose vakabva vayeredzwa.

Madzibaba Benson anonzi akakwanisa kununurwa nevamwe vaivepo asi Mabasa akabva atsakatika uye mutumbi wake wakazoonekwa remangwana acho wakayangarara pamusoro pemvura.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi.

“Kana munhu akaita zvinoita kuti vamwe vanhu vapinde munjodzi imhosva huru, saka tinopa yambiro kune vemakereke kuti ngavasiyane netsika yekunobhabhatidza vanhu kunzizi kana madhamu nekuti zvinoisa upenyu hwevanhu panjodzi.

“Nyaya yemudzimai wekwaGutu tichiri kuiferefeta kuti tizive kuti zvakafamba sei,” vanodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *