Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa

MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva yekuti ainge akashinha nemwanasikana wake ane makore 20 ekuzvarwa.

Benny Chimhuya, uyo ainyanya kuzivikanwa nezita rekuti Beniza, akawanikwa akarembera mumuti mushure mekuzvisungirira uye muti uyu uri padyo nerwizi rwunonzi Musatya.

Akanga ainge nyaya yaienderera mberi mudare raShe Marange achipomerwa kuita makunakuna nemwanasikana wake.

Nyaya yaaipomerwa yakasiya mhuri iyi iine mimbunzo yakawanda isina mhinduro.

Hanzvadzi yemushakabvu, Mai Dorcas Chimhuya-Mangwandi, vanotsinhira kuti Benny aipomerwa kushinha nemwanasikana wake.

Vanoti Benny aive nevana gumi, vaisanganisira vanakomana vashanu nevanasikana vashanu uye aipomerwa kushinha nevamwe vevanasikana vake.

“Aive nevana gumi apo vashanu vaive vasikana uye zvinonzi akanga ari kupinda munyaya dzepabonde nevamwe vevanasikana vake. Akanga ava kugara kuBezeley Bridge nemumwe wevanasikana ava achimuita mudzimai apo imwe mhuri yese yaigara zvakare ikoko kunze bedzi kwemudzimai wake uyo akanga ava kugara kwaMutare,” vanodaro.

Vanoti gure iri rakafumuka apo Benny nemwanakomana wake vakanetsana usiku asati azoenda kunozvisungirira.

“Hanzvadzi yangu yakazvisungirira mushure mekunetsana nemwanakomana wake. Vakatanga vamborwisana apo Wish (mwanakomana waBenny) ainge achida kuziva chikonzero neyi baba vake vaishungurudza hanzvadzi dzake nenzira yebonde kudaro,” vanodaro.

Vanoti Wish akabva asungirwa mhosva yekurova baba vake vanova vakazoendeswa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital kunorapwa.

“Wish akasungwa hanzvadzi yangu ndokumhanyiswa kuchipatara. Kuburitswa kwake muchipatara zuva raitevera kwakabatana nekuburitswa kwaWish mumaoko emapurisa. Manheru acho hanzvadzi yangu yakabva yazviuraya,” vanodaro.

Mai Chimhuya – Mangwandi vanoenderera mberi vachiti hanzvadzi yavo yaive neupfumi hwaityisa zvisinei nekuti akanga asiri kushanda mabasa anonyatsoonekwa, izvo zvaiita kuti vanhu vafungire kuti kushinha kwaainzi aiita nevakasikana vake yaive nzira yekusimbisa mhiko dzake dzekuromba kuitira kuti awane upfumi.

Vanoti mumwe wevanasikana ava akaita pamuviri panguva yaaigara nababa vake, asi mwana uyu, akaberekwa kubva mumakunakuna, akazofa achangozvarwa.

Vanoti mushure mekufa kwemwana uyu, nyaya iyi yakamhan’arwa kudare raMambo Marange, uko Benny akazoshevedzwa kuti azopindura nyaya yekushinha nemwanasikana wake.

Mufi anonzi akaramba mhosva yaaipomerwa.

“Akaramba nyaya iyi achiti vanhu vaimuitira godo nerudo rwake kumwanasikana wake, akati aimudzidzisa kutyaira, uye nekuti pakanga pasina mufakazi akanga akavaona vari pamubhedha, nyaya iyi yakabva yatoshaya basa. Mushure mezvo, akatanga kundipomera mhosva yekusvitsa nyaya iyi kwashe, asi ini ndakanga ndiri murima pasina chandinoziva,” vanodaro.

Mai Chimhuya – Mangwandi vanoti nyaya idzi hadzina kuperera ipapo.

Mumwe mwanasikana wemushakabvu, uyo ave kuroorwa, akagunun’una kune vemhuri yake kuti ari kushungurudzwa nababa vake, asi ivo vakatadza kupindira nekuda kwekunetsana kwakagara kuripo.

“Mwanasikana wake mukuru, uyo akaroorwa, akachema-chema achiti ari kushungurudzwa nababa vake, asi hapana zvatakakwanisa kuita nekuti vainge vatora gwaro redziviriro kwatiri – vanin’ina vake, paita ropa rakaipa pakati pedu, uye kunyange vanasikana vanonzi vari kushungurudzwa havatauri neni,” vanodaro.

Mumwe mugari wemumusha uyu, uyo asina kuda kudomwa nezita rake, anoti kunetsana kwemushakabvu Benny naWish kwaiitika munzvimbo iyi.

“Wish nababa vake vaingogara vachinetsana, vaiuya kuno kuGomorefu Business Centre vachinetsana nenyaya yemakunakuna, asi hapana akataura nezvemushakabvu aiita bonde nevanasikana vake nekuda kwekuti inyaya yaizoda umbowo hwakakwana,” anodaro.

Mambo Marange vanotsinhira kuti nyaya iyi iri mudare ravo.

“Nyaya iyi ichiri mudare rangu, zvinorwadza kuti akazviuraya. Isu tichiri kuita ongororo yedu, asi dai tamuwana aine mhosva, taizobhadharisa mwanasikana wake mombe mbiri uye ivo baba vacho mombe mbiri zvakare tisati taendesa nyaya iyi kumapurisa nekuti makunakuna imhosva. Zvisinei, kuzviuraya ndechimwe chinhu chatisingarerutsire munzvimbo iyi, uye mhuri yavo icharipiswa,” vanodaro Mambo Marange.

Zvakadaro, mapurisa ainge asati apa mashoko avo maringe nekufa kwaBenny panguva yakaburitswa nyaya ino.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *