Akarambirwa mudare

Tatenda Shuro
MURUME anogara kuGlen View, muHarare — uyo wekumhan’arirwa nemudzimai wake kudare — akazokatyamadzwa mushure mekunzwa mukadzi uyu achiti vakatorambana kare.

Loveness Mupeti akamhan’arira Nervous Musonza kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

“Nababa ava takaita tose vana asi iko zvino hatisi kugara tose, tatove nemakore mana tarambana. Iye ndiye akatanga kubuda mumba ave kugara kuGlen View, ini nevana tichigara kuKuwadzana. Pose paanondiona anonditukirira nekundirova kunyangwe pazere vanhu,” anodaro.

Mupeti anoti haadi kuti Musonza auye kumba kwaanogara kana kubasa kwake.

“Ndinokumbira baba ava vamiswe kuuya kwandinogara nekwandinoshandira kuKuwadzana 4 uko ndinotengesa zvinhu kumashopu,” anodaro.

Achipawo divi rake, Musonza anoti anopokana nechikumbiro chaMupeti uye havana kumborambana.

“Handibvume kuti ndakarambana naye, mukadzi wangu wandakaroora anozivikanwa nevabereki vangu. Akaramba kugara neni 2016 asi ndichiri kungoti mudzimai wangu.

“Mangwanani ano ndatobva kumba kwavari kugara kunoona mwana ari kurwara, handina kubvira ndarambidzwa kuenda kumba kwavo. Zvokumurova handisati ndambomurova ini,” anodaro Musonza.

Anoti haasi kugara nemudzimai wake nekuti ndiye akati anoda zvekunoroja iye ndokusara achigara kusitendi kwavo.

“Amai ava vakati vanoda kuroja ini ndichiti ndinoda kugara zvangu kusitendi. Saka ndakavati kana vachida kuroja vanobhadhara voga mari yemba uye kana vachida kugara nevana vanochengeta voga kana zvisingaite vanodzoka zvavo kumba,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Mupeti gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *