Akayeredzwa achibva kudoro

Daphne Machiri

Murume wemakore 73 okuberekwa uyo aigara kuMushumbi Pools, kuGuruve, anonzi akayeredzwa nerwizi rweko achiedza kuy- ambuka apo aibva kudoro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanoti David Matafarika Pembere – uyo aigara mubhuku raMadzomba A, kwaMambo Chisunga – anonzi akabva pamba pake musi wa11 Kukadzi zuva rave kunovira achiti aienda kunonwa doro.

“Izvi zvakabuda mukuferefetwa kwakaitwa nemapurisa apo akataura nem- wana waMatafarika ane makore 35 uyo anoti baba vake vakange vaenda kunonwa doro kuMushumbi Business Centre asi ndokutadza kudzoka kumba,”vanodaro Insp Mundembe. Vanoti zvakazobuda kuti Matafarika akange ayeredzwa nerwizi rwaManyame.

“Mutumbi waMatafarika wakazoonekwa uri murwizi rwaManyame,”vanodaro.

Insp Mundembe vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuyambuka nzizi dzinenge dzakazara.

“Chimwe chatinokurudzira ndechekuti veruzhinji varege kushandisa nzira dzekudimburira, kunyanya dzinenge dzichipinda nemurwizi, shandisai nzira dzakarurama zvinova zvinoita kuti tirege kusangana nenjodzi dzakaita sekurasikirwa neupenyu,”vanodaro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *