Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri

“Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano.

Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026 rine zita rekuti “Kusvika Mati Eke”.

Dambarefu iri rine dzimwe nziyo dzakaita saKunyarara, Madhisinyongoro, Usazocheme, naZvichanaka.

Todya Mudododo rwiyo rwaita mukurumbira izvo zviri kuona vanhu vakawanda vachirwuimba pamwe chete nekutamba vachitevedzera mafambiro anoita mutinhimira waro (dance challenge).

Kambo aka kari kubata vanhu vemazera ose, kusanganisira ndumurwa.

Munyori werwiyo urwu anoti rwune mashoko pamusoro pemari nemufaro.

Taruvinga Manjokota, uyo anozivikanwa zvikuru saSugar Sugar, muimbi weSungura ane ruzivo rwakadzama. Basa rake remimhanzi rakanga rava kuderera kusvika rwiyo “Mudododo” parwakamuunzazve pamberi peveruzhinji munyika yose.

Muzvinhabhizimisi ane mukurumbira, Sir Wicknell Chivayo, akazivisa paSocial Media mushure mekuona vana vake vachitamba vachitevedzera rwiyo “Todya Mudododo”, achiti mwanakomana wake anomumutsa mangwanani-ngwanani achiti, “Baba, ndinoda kutamba rwiyo rwe . . . dododo”.

Nekuda kweizvi, Sugar Sugar akapihwa motokari yemhando yeToyota Fortuner 2.4 GD-6 yegore ra2026 pamwe chete nemari inoita US$10 000 yekutenga mafuta ezvifambiso.

Pakupa chipo ichi, Chivayo akanyora kuti: “Kana ukanyora rwiyo runofarirwa nezvizvarwa zvakasiyana-siyana kusvika pakuti vana vadiki vanoruziva, vorwuimba uye vorwutamba, ipapo chipo ichocho hachigoni kungofuratirwa. Makorokoto . . . wakanyora rwiyo rwakanaka zvikuru.

“Kunyangwe panguva yandiri kusangana nezuva rakaoma, pandinongoridza rwiyo ‘Todya Mudododo’, zvinhu zvese zvinoshanduka. Mafungiro angu anobva ashanduka kuita akanaka, ndogadzirira kuita basa.”

Mushure mechipo chekutanga, Sugar Sugar akabva abuditsa vhidhiyo achirumbidza Chivayo se”Mukuru Wemazuva”, achirumbidzawo mutungamiri wenyika, President Mnangagwa pamwe neZimbabwe. Chivayo akabva amupa imwe mari inoita US$30 000.

Chivayo anoti iyi inzira yake yekutenda rwiyo rwakanaka zvikuru rwunovaraidza vanhu uye rwava kuita kuti kunyange vana vadiki vatambe.

Related Posts

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

World Ozone Day rakacherechedzwa

Muchaneta Chimuka   ZIMBABWE yakabatana nenyika dzepasi rose mukupemberera zuva guru rekudzivirira kusvibiswa kwemhepo yemuchadenga reWorld Ozone Day rinova rinocherechedzwa nomusi wa16 Gunyana gore negore. Vachitaura pachiitiko ichi muHarare, gurukota…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *