Akazvambaradza shamwarikadzi

MURUME wekuChitungwiza wekurikita shamwarikadzi yake mushure mekunge yaramba kuenda naye pabonde akazozvisikira moto muziso zvichitevera kudhonzerwa kwaakaitwa kudare reko nekuda kwenyaya iyi.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Lazarus Murendo, akapa Panganai Chifamba (22) chirango chekubvisa faindi ye$100 akati kukundikana kwake kubvisa mari iyi aizonogara mujeri kwemwedzi mumwe chete. Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa30 Zvita gore rapera munguva dzeusiku, Chifamba, wepanhamba 1058 St Mary’s, akashanyira aimbove musikana wake, Tsitsi Chabata, wepanhamba 1896 St Mary’s, achibva amuudza kuti aida kuenda naye pabonde achishandisa mazwi echisimba.

Tsitsi akapikisana nazvo zvinova zvakamugumbura achibva atangisa kumurova nembama muviri wese.

Nekuda kwekurwadziswa uku, Tsitsi akanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa izvo zvakaita kuti Chifamba asungwe.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×