Akpom akakwereteswa

CHUBA Akpom akatumirwa kuBrighton, chikwata icho chinokwikwidza muChampionship nechikwereti kubva kuArsenal kusvika pakupera kwemwaka uno. Mutambi uyu, uyo ane makore 21 okuberekwa, akambotambira zvimwe zvikwata zvinoti Brentford, Coventry neNottingham Forest muhupenyu hwake uye akabatsira Hull kupinda muPremier League mwedzi wadarika mushure mekunge anwisa kanomwe mumitambo 22.

Akpom ave kumirira kuuya kweBurton musi wa11 Kukadzi kuti agowaniswe mukana wake wekutambira chikwata ichi. Mutambi uyu – uyo anotambira England U21 zvakare – akanwisa kana kune zvimwe zvikwata zvaakambotambira.

Murairidzi wemaSeagulls, Chris Hughton, anoda kusimbisa chikwata chake kumberi apo chiri kurwira kupinda muEPL kekutanga kubva pachakapedzisira kukwikwidzamo mugore ra1983.

Hughton akati, “Panguva iyo takatendera Elvis Manu kuti aende nechikwereti takabva taziva kuti tinofanirwa kuwedzera vamwe vatambi muchikwata chedu, saka tinofara tave nemutambi akaita saChuba muchikwata chedu.

“Mutambi wechidiki, akadzidza zvakawanda apo aive kuHull muChampionship mwaka wadarika. Achaunza zvakawanda muchikwata chedu uye achabatsira vamwe vatambi vekumberi.

“Takarwisa zvimwe zvikwata kuti titenge Chuba nechikwereti uye tinoda kutenda Arsenal nekutipa mukana wekushanda naye mwaka uno kusvika wapera.”

Akpom akatanga mutambo mumwe chete kuArsenal uye akapinda mimwe mipfumbamwe achibva pabhenji. – Daily Mail Football.

CHUBA Akpom akatumirwa kuBrighton, chikwata icho chinokwikwidza muChampionship nechikwereti kubva kuArsenal kusvika pakupera kwemwaka uno.Mutambi uyu, uyo ane makore 21 okuberekwa, akambotambira zvimwe zvikwata zvinoti Brentford, Coventry neNottingham Forest muhupenyu hwake uye akabatsira Hull kupinda muPremier League mwedzi wadarika mushure mekunge anwisa kanomwe mumitambo 22.Akpom ave kumirira kuuya kweBurton musi wa11 Kukadzi kuti agowaniswe mukana wake wekutambira chikwata ichi. Mutambi uyu – uyo anotambira England U21 zvakare – akanwisa kana kune zvimwe zvikwata zvaakambotambira.Murairidzi wemaSeagulls, Chris Hughton, anoda kusimbisa chikwata chake kumberi apo chiri kurwira kupinda muEPL kekutanga kubva pachakapedzisira kukwikwidzamo mugore ra1983.Hughton akati, “Panguva iyo takatendera Elvis Manu kuti aende nechikwereti takabva taziva kuti tinofanirwa kuwedzera vamwe vatambi muchikwata chedu, saka tinofara tave nemutambi akaita saChuba muchikwata chedu.“Mutambi wechidiki, akadzidza zvakawanda apo aive kuHull muChampionship mwaka wadarika. Achaunza zvakawanda muchikwata chedu uye achabatsira vamwe vatambi vekumberi.“Takarwisa zvimwe zvikwata kuti titenge Chuba nechikwereti uye tinoda kutenda Arsenal nekutipa mukana wekushanda naye mwaka uno kusvika wapera.”Akpom akatanga mutambo mumwe chete kuArsenal uye akapinda mimwe mipfumbamwe achibva pabhenji. – Daily Mail Football.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *