Anorohwa mazimbama nezvinhu

MUKADZI wekuEpworth, muHarare, anoti aoneswa pfumvu nezvinhu zvinenge vanhu izvo zvaanoona iye bedzi zvichiuya kwaari zvichida kumucheka nemapanga kana kumutema nematemo.

Pashure zvinhu izvi zvinoguma zvava kumuwatsura mazimbama izvo zvinoita kuti mukadzi uyu apote achingorova bara kutiza kana zvamubata.

Lucia Maturure (37), uyo anogara panhamba 900 Chiremba Road, kuMakomo, anoti anogara achirohwa nevanhu vaanongoona iye bedzi.

Mukadzi uyu anoti haasisina rugare nekurohwa nevanhu vanosanganisira varume nevakadzi, avo vanouya kwaari vakashatirwa.

“Ndava nenguva refu ndiine dambudziko rekurohwa nevanhu vanosanganisira chembere neharahwa uye varume nevakadzi vechidiki,” anodaro.

Maturure, uyo akaroorwa aine vana vatatu nemurume wake, anoti ava nemakore anodarika matatu achitambudzwa nezvinhu izvi.

“Dambudziko rangu rashaya anogadzirisa sezvo amai nababa vakashaika. Kumusha kwedu kuZhombe hakuna wechikuru kuhama dzababa vangu angandibatsira, zvekuti ndangofanana nemombe yemashanga. Ndangomirira zvangu kufa,” anodaro achida kusvimha misodzi.

Kunze kwekurohwa, Maturure anoti anonzwa mazwi evanhu vanomuudza kuti aende kumvura kunogara pasi pemvura ikoko kuEpworth.

VaGeorge Kandiyero
VaGeorge Kandiyero

Mukadzi uyu ane fungidziro huru yekuti dambudziko rake rine chekuita nemweya yevafi sezvo achiti kwaanombofamba anoudzwa kuti pane mweya uri paari unoda machira ekuti ugadzirwe.

“Izvozvi ndinonzwa kuti nezuro (svondo rapera neChina) chaiye pandiri paibuda mweya waiti unoda kuenda kumvura uchitiwo unoda machira awo. Muviri wangu wose wava kurwadza nekuda kwekungorohwa,” anodaro.

Anoti vane imba yakasiiwa naambuya vake, amai vababa kuMbare, iyo yavakasara vachigara.

Zvisinei, anoti vari kunetsana nevamwe vanhu vanove vatorwa nekuda kwemba iyi avo vari kubheja kuti havafe vakagarepo uye vakangoita zvenharo bedzi, vanogona kushinhirira vemumhuri make kuti vorasika njere.

Maturure pari zvino ari kubatsirwa nemumwe muporofita wemuHarare padambudziko rake.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti mukadzi uyu anogona kunge akaturikwa ngozi yemunhu akapondwa kana kuti ane mudzimu usina kugadzirwa uyo unoda kubuda asi uchitadza.

“Ngaaende kumahofisi eZinatha anonobatsirwa,” vanodaro VaKandiyero.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *