Arsenal yotsiva Wilshere akakuvara

ARSENAL iri kugadzirira kutsiva Jack Wilshere uyo akakuvara gumbo rake nguva yadarika nekutenga mutambi weNewcastle United, Moussa Sissoko.

Arsene Wenger ari kuda kutenga mumwe mutambi anokwanisa kutsiva Wilshere uyo ari kutarisirwa kupora muna Kurume gore rinouya.

MaGunners akakwanisa kuhwina 1-0 svondo radarika apo akakunda West Brom musi weMugovera, asi vamwe vatambi vechikwata ichi vari kuramba vachingokuvara izvo zviri kuvadzorera shure.

Kaputeni weArsenal, Mikel Arteta, anotarisirwa kupora kupera kwegore rino zvichitevera kukuvara kwaakaita tsapfu yake.

Zvakadaro, chikwata chekuLondon ichi chinoda kutenga Sissoko uyo wavari kuona kuti anogona kumbotamba pachinzvimbo chaWilshere.

Zviri kufungidzirwa kuti Wenger anogona kuburitsa mari inosvika 15 miriyoni paunzi muna Ndira 2015 pamutambi uyo waanoyemura zvikuru matambiro ake.

Sissoko kubva paakatengwa neNewcastle mugore ra2013, ange achitamba nhabvu inodakadza kuSt James’ Park.

Kunyangwe hazvo akapihwa red card mumutambo wake wekupedzisira neWest Ham apo vakakundwa 1-0, izvi hazvimboorese mwoyo waWenger. — Express.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×