Oita mbiri nembatya dzemakavi

Muchaneta Chimuka MURUME anogara kuUnit N, kuChitungwiza – uyo anozivikanwa nekupfeka hanzu kana kuti mbatya dzakaita zvekurukwa nemakonje kana kuti makavi – anoita vanomusika vari kutomupa simba rebasa rake reCreative…

Zim ingangobaya vana majekiseni

Mukudzei Chingwere ZIMBABWE ine hurongwa hwekuti inge ichidzivirira chirwere cheCovid-19 kuvana zvichitevera budiriro yavepo mukubaiwa kwevanhu vakuru. Vachipindura mibvunzo yevamiriri venyika yekuGerman mumusangano wavakaita mushure mekunge nyika yekuEurope iyi yapa…

‘Zvava kuda minamato’

Abel Ndooka MUIMBI wenziyo dzechitendero – Patrick Scale – anoti vemakereke pamwe nevaimbi vanofanirwa kubatana mukuisa minamato yakasimba nekuparidzira kunyika yose kuti veruzhinji vagare vakachengetedzeka zvichitevera kupararira kuri kuita chirwere…

Vakarwira chitunha che’Covid’ ‘. . . ndiwe wakauraya’

Kingstone Mapupu VANHU vaiva parufu kumakuva ekwaZinyengere, kuEpworth nemusi weMuvhuro svondo rino vakaita rurasademo vachitiza mushure mekunge patanga kurwisana apo mumwe wehama dzemufi akabatwa nemweya wainzi ndewemunhu aivigwa achinongedzera kuti…

‘Ndiri wemusombodhiya bedziii . . .’

Kingstone Mapupu  MURUME anobva kwaMurehwa, kuMashonaland East – uyo agara pamusika weMbare, muguta reHarare kwemakore 17 – anoti aitwa muranda nezvinodhaka izvo zvakonzera kuti apedze makore ose aya asina kumbobvira…

Seed Co yobatsira kurwisa Covid-19

  Muchaneta Chimuka  KAMBANI huru pakuuchika mbeu munyika, yeSeed Co nemusi weMuvhuro uno yakatanga chirongwa chekubatsira vagari venzvimbo yekwaMandebvu, kuKamunda Farm – iyo iri pedyo nemuzinda wayo wekuStapleford, nekuvabaisa majekiseni…

Ihondo yedu tose

Kingstone Mapupu  SANGANO rinomirira vaimbova anamujibha nanachimbwido, reZimbabwe Liberation War Collaborators Association (ZILIWACO), rinoti munhu woga-woga ane basa rekuita panyaya yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. Mashoko aya akataurwa naCde Shain Chakanyuka…

Covid yoparadza vasati vabaiwa

 Munyori weKwayedza CHIKAMU chinosvika 90 percent chevanhu vafa neCovid-19 mumasvondo mashoma adarika ndecheavo vasina kubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi. Izvo zvinoratidza kukosha kwechirongwa chiri kuitwa neHurumende chekubaiwa kwevanhu nhomba kana…

Masvondo maviri anga akaipisisa

Thandeka Moyo-Ndlovu VANHU vakawanda vafa neCovid-19 vamwe ndokubatwa nechirwere ichi mumasvondo maviri adarika kana zvichienzaniswa nepachakatanga munaKurume gore rapera zvisinei nechenjedzo iri kuitwa nenyanzvi dzezveutano yekukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho…

Vonobaiwa nhomba nehuwandu hwavo

Kingstone Mapupu CHIPATARA cheParirenyatwa Group of Hospitals muguta reHarare chinoti vanhu vakawanda vari kuendako kunobaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 kusiyana nenguva yadarika apo pakatanga chirongwa ichi. VaLinos Dhire, avo vanova…

×
×