‘Zvava kuda minamato’

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero – Patrick Scale – anoti vemakereke pamwe nevaimbi vanofanirwa kubatana mukuisa minamato yakasimba nekuparidzira kunyika yose kuti veruzhinji vagare vakachengetedzeka zvichitevera kupararira kuri kuita chirwere cheCovid-19.

Scale, uyo anotungamira chikwata cheLast Seen, anoti Covid-19 yauya iine huturu hwakanyanya nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vaende kunobaiwa majekiseni ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

“Nguva yatasvika iye zvino hama dzangu tave kufanirwa kungotungamidza Mwari Musiki nekuti Covid-19 yativhiringidza zvakanyanyisa raramiro yedu.

“Hatina kumbofungira kuti upenyu hwedu huchashanduka kudai. Ngatibatanei vemakereke nesu vaimbi mukunamatira nyika yedu uye toramba tichikurudzira veruzhinji kutevedzera matanho ose akaiswa neHurumende pamwe neWorld Health Organization (WHO) ekurwisa denda iri.

“Matanho aya anosanganisira kuti vanhu vasaungane, vagare vakapfeka mamasiki, kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer nguva dzose kuti denda iri risarambe richipararira pamwe nekuuraya vanhu,” anodaro.

Scale, uyo ari kunetsa nekambo kanonzi ‘Shamwari Yakanaka’, anoti semuimbi, denda iri rakakanganisa zvikuru basa rake izvo zvakazomutuma kuti achangamuke ndokutanga kuita mamwe mabhindauko ayo ari kumuraramisa panguva ino.

“Sevaimbi, basa redu raenda mudondo chaizvo nekuti isu tairarama zvikuru nemashoo uye aitibatsira kusangana nevatsigiri vedu avo vaitenga mimhanzi yedu izvo zvaitiraramisa asi zvose zvakaenda mudondo.

“Zvave kuda kushinga uye kutanga kuzvishandira nemaoko kuti tiite mari sevaimbi panguva ino zvinhu zvakaoma kudai,” anodaro Scale.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *