Kana kumaruwa iriko Covid: Ishe

Kingstone Mapupu MAMBO Seke, VaStanley Chimanikire, vekudunhu reMashonaland East vanoti munhu wose ari panyatwa yekubatwa nechirwere cheCovid-19 nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho akatarwa ekuzvidzivirira kudenda iri. Vanoti kune vamwe…

5 vafa neCovid vaenda parufu

Freedom Mupanedemo VANHU vashanu vanogara mubhuku rimwe chete vakafa neCovid-19 mukati mesvondo rimwe kudunhu raMambo Sigwala, kuLower Gweru mushure mekunge vaenda pamariro ehama yavo yainge yafa nechirwere ichi. Zviri kunzi…

Dhuma-dhuma nembizi muna Seke Road

Muchaneta Chimuka MURUME ange achityaira motokari yerudzi rweToyota Fortuner aita tsaona paMvurachena kana kuti paChinhamo nhasi mangwanani mumugwagwa Seke Road apo aroverana nembizi ichibva yangofira ipapo iye achibva kuChitungwiza. Tsaona…

Mirai kuenda kurufu: ZCC

Abel Ndooka SANGANO reZimbabwe Council of Churches (ZCC) rinokurudzira veruzhinji kuti vambomira kuenda kudzinhamo kunobata maoko sezvo izvi zviri zvimwe zviri kunyanya kukonzera kupararira kwechirwere cheCovid-19. General-secretary weZCC, Dr Kenneth…

‘Kasikai kuenda kunovhenekwa’

Muchaneta Chimuka DR TINASHE Gede avo vanoshanda kuchikamu chekurapa varwere vane Covid-19 pachipatara cheSt Annes Hospital, muHarare, vanoti kune vanhu vane chitsama vari kurasikirwa neupenyu, zvikuru avo vasina kubaiwa majekiseni…

Vechidiki vakanganisika

Abel Ndooka MURAIRIDZI weNgezi Platinum Stars — Rodwell Dhlakama — anoti remangwana revatambi vazhinji venhabvu, kunyanya vechidiki, rakanganisika zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chiri kukonzera kuti mutambo uyu usatambwe zvinosvika…

Pandufu vanhu vari kuungana

Muchaneta Chimuka PANGUVA iyo Zimbabwe iri kutora matanho akasimba ekurwisa Covid-19, zviri kuonekwa kuti vanhu vachiri kuungana vakawanda zvekudarika vanotenderwa nemutemo panenge paitika rufu izvo zvaita kuti panhamo pave imwe…

‘Baiwai majekiseni’

Kingstone Mapupu MUMWE chiremba anoti mushonga wejekiseni rekudzivirira chirwere cheCovid-19 wakanaka zvikuru uye anokurudzira veruzhinji kuti vanobaiwa. Doctor Mthokozisi Nkosi, avo vanova sachigaro wesangano reConsumer Protection Commission, vakataura mashoko aya…

Hoche koche yeHIV nePrEP

Vadiwa Tete Ndiri mukadzi ane makore 33 ekuberekwa uye ndakaroorwa. Ndinotya kubatira hutachiona hweHIV nekuti ndakamborapwa zvirwere zvepabonde kaviri uye ndinofungidzira kuti murume wangu ane vanhukadzi vakawanda vaanodanana navo achirara…

Bhokisi rakatemwa-temwa . . . Chitunha, mapuranga zvikakandwa muguva

Kingstone Mapupu VAGARI vemumusha weNgoni, kuNorton vaive parufu rwemukomana wekufa nekuzvisungirira svondo rapera vakasara vaoma mate mukanwa apo chitunha chake chakaita zvekukuturirwa muguva mushure mekunge bhokisi racho ratanga ratemwa-temwa mutumbi…

×
×