Bhokisi rakatemwa-temwa . . . Chitunha, mapuranga zvikakandwa muguva

Kingstone Mapupu

VAGARI vemumusha weNgoni, kuNorton vaive parufu rwemukomana wekufa nekuzvisungirira svondo rapera vakasara vaoma mate mukanwa apo chitunha chake chakaita zvekukuturirwa muguva mushure mekunge bhokisi racho ratanga ratemwa-temwa mutumbi urimo, zvichinzi ndiyo tsika yevabereki vemushakabvu.

Vabereki vacho vanobva kunyika yeZambia.

Izvi zvakaitika vanhu vaungana kumakuva eSection B ari kuNorton vachiviga Pardon Manjemera (17) uyo akafa nekuzvisungirira mumba mevabereki.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Magarate Chitove, vanotsinhira nyaya yekufa kwaPardon nekuzvisungirira, asi ndokuti havana neruzivo nezvekutemwa-temwa kunonzi kwakaitwa bhokisi raive nemutumbi wake.

Babamudiki vemufi uyu ndivo vanonzi vakatema-tema bhokisi raiva nechitunha chemwana wavo vachishandisa foshoro kusvikira ratsemuka-tsemuka, vanhu ndokuzoribatirana vachibva vaita chitunha zvose nezvidimbu zvebhokisi zvekukanda muguva.

Mai Fungai Zireva (36), avo vanova amai vemufi vanotsinhira mashura aya vachiti, “Mwana wangu aiita zvekudhakwa achitora mbanje naiyo misombodhiya nemutoriro. Baba vake — Tafadzwa Manjemera (40) — ndakasiyana navo uye vakaenda kuSouth Africa.

“Ndaigara naye pamba pangu pano apo svondo rakapera nguva dzekuma 4 ndakazowana mutumbi wake wakarembera mumba azvisungirira nenyaya yaasina kusiya atitaurira kana kunyora tsamba zvayo.”
Vanoti mutumbi wemwana wavo wakazotakurwa kuendeswa kuchipatara cheNorton kunoongororwa ndokuzodarikidzwa kuimba yerunyararo iri ikoko.

“Mutumbi uyu wakazobva kumochari kuendeswa kumakuva ekuNorton usina kusvitswa kumba uye uri mubhokisi. Hama dzemwana wangu dzaisanganisira babamudiki vake, Charles Manjemera, vakazotema-tema bhokisi raiva nechitunha kusvika ratsemuka vachiti ndiyo tsika yekumusha kwavo kana munhu afa nekuzvisungirira kana neimwe nzira yekuzviuraya,” vanodaro.

Mai Zireva vanoti bhokisi remufi raiva rakagadzikwa padivi peguva apo babamudiki ava vakasimuka pavaiva, ndokuzivisa ruzhinji kuti vakanga vave kumboita chivanhu chekumusha kwavo.
“Babamudiki vakasimuka vachibva vatora foshoro ndokutanga kutema-tema bhokisi kusvikira ratsemuka-tsemuka mapuranga, mutumbi ndokusara pachena. Vakazokanda mutumbi muguva uyu muguva pamwechete nezvimapuranga vanhu tose takayeva.

“Zvakativhundutsa zvikuru nekuti isu kuno hatizvizive.”
Mai Zireva vanoti munzvimbo yavanogara yeNorton mune vanhu vanozviuraya nekuzvisungirira nekunwa muchetura nedzimwewo nzira, avo mitumbi yacho inovigwa iri mumabhokisi.

“Baba vemwana uyu havana kukwanisa kuuya kuzomuviga. Mavigirwo akaitwa mwana wangu ndakarwadziwa nawo, kuita sepaivigwa imbwa,” vanodaro Mai Zireva.
Bhokisi iri rinonzi rakatengwa nababa vemufi uyu.
Mai Memory Mupoya (21) vanova mainini vemushakabvu vanotiwo vakashamiswa zvikuru nezvakaitika izvi.
“Babamudiki vemwana wedu ndivo vakasimuka ndokutsemura bhokisi iri vachiti ndiyo tsika yavo yekuZambia kunyange vakavakira zvavo muno muZimbabwe kuHurungwe. Mutumbi wakasara wava pachena ukazopotserwa muguva ndokufushirwa. Isu hatina kufadzwa nazvo,” vanodaro Mai Mupoya.
Kuchiti Mai Barbra Ndaramo (37) vanovawo mbuya vemufi vanoti nyaya iyi nanhasi vanhu havagone kuitsanangura.

Mai Barbra Ndaramo 
“Nyaya iyi tinoda kuisvitsa kwaMambo Chivero, hama dzemuzukuru wedu dzishevedzwe kudare dziripiswe nezvadzakaita izvi. Chitunha chakakuvadzwa pakutsemurwa kwebhokisi,” vanodaro Mai Ndaramo.
Mashoko avo anotsingirwa naVaTrust Zinyowa (40), sekuru vemushakabvu, vachiti vakarwadziwa nemavigirwo akaitwa muzukuru wavo.
“Ndisu taigara nemwana uyu pamba pedu, dai vakatitaurirawo vasati vatsemura bhokisi tingadai takazviramba.
“Vangadai vakatanga vabvisa chitunha vopwanya bhokisi, vozoisa mutumbi muguva. Zvino vakapwanya pamwechete nemunhu,” vanodaro VaZinyowa.

VaTrust Zinyowa

VaPrince Muzeya (30) vanove muzukuru wekwaManjemera vanotsinhirawo vachiti, “Ichokwadi bhokisi rakatsemurwa naCharles Manjemera asi isu tichipokana nazvo. Akangozviita oga.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naVaCharles Manjemera kuti vapewo divi ravo panyaya iyi.
VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti tsika dzekuvigwa kwevafi vachizviuraya dzinosiyana.

GEORGE KANDIERO

“Munhu akafa achizvisungirira kana nedzimwe nzira dzekuzviuraya, kazhinji munhu uyu haasvitswe mumusha uye vamwewo vanoti haavigwe nebhokisi. Vamwe vanoti anorohwa neshamu kana kusundidzirwa nebhutsu owira muguva. Handizivewo tsika idzo dzakaitwa sezvo zvichisiyana nzvimbo nenzvimbo,” vanodaro VaKandiyero.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×