Pwere dzoitiswa mabasa akaoma

Muchaneta Chimuka NYAYA dzekushandiswa kwevana mumabasa akasiyana munguva ino apo vagere kudzimba nekuda kwechirwere cheCovid-19 dziri kuwanda sezvo vasiri kuenda kuchikoro sedanho rekumisa kupararira kwedenda iri. Kwayedza inotenderera kuDomboshava, Shamva,…

Varimi musaungane: ZFU

Kingstone Mapupu SANGANO revarimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoyambira nhengo dzaro kuti dzimbomira mabasa anoita kuti vashande vakaungana akaita senhimbe kana kuti jakwara nemikando senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. VaPaul…

Covid-19: Dziviriro mushonga mukuru

VANHU vari kubatwa nevari kufa nechirwere cheCovid-19 vari kuramba vachiwanda – kwete muZimbabwe bedzi, asi nepasi rose. Nyika ino yarasikirwa nevanhu vanodarika 2 200 kusvika pari zvino nekuda kwechirwere ichi…

Votamba munhandare musina vatsigiri

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chiri kupinda muhondo kutanga neChishanu apo chichatatsurana necheBangladesh mumitambo yeOne Day International (ODI) iyo iri kushanda seyeSuper League inove imwe nzira yekurwira kuenda kuWorld…

Akaponda baba natete . . . ngwarirai mhondi ine demo: ZRP

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kutsvaga nemaziso matsvuku murume wekuKadoma nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda vanhu vaviri achiita zvekuvatema nedemo uyewo nedzimwe mhosva dzinosanganisa kubata chibharo, kuparadza…

Covid: ‘Ngwarirai mari yamunobata’

 Muchaneta Chimuka UTACHIONA hwecoronavirus uhwo hunokonzera chirwere cheCovid-19 hunokwanisa kugara kwenguva refu panharembozha kana pamari apo hunogona kurarama huripo kwemazuva 28. Ongororo iyi yakaitwa  nedzimwe nhengo dzeNational Science Agency CSIRO  kunyika yeAustralia…

‘Hatisisina chekubata’

Abel Ndooka SANGANO revaimbi vechitendero vechidzimai, reZimbabwe Female Gospel Artists Association (ZFGAA), rinoti nhengo dzaro zhinji dzakakanganiswa zvikuru nedenda reCovid-19, naizvozvo vakabatana ndokubura dambarefu ravo iro vanotarisira kuti rigoshandura upenyu…

Haisi nguva yekufunga nhabvu, asi upenyu: PSL

Abel Ndooka PREMIER Soccer League (PSL) inoti ichamirira kuudzwa pamwe nekupihwa mvumo neSport and Recreation Commission (SRC) kuti nhabvu izotanga kutambwa zvekare zvichitevera kumiswa kwayakaitwa pamwe chete nemimwe mitambo apo…

Fodya yopedziswa kutengeswa

Muchaneta Chimuka MWAKA wekutengeswa kwefodya wasvika kumagumo apo misika ichavhara nemusi weChitatu svondo rino uye fodya yekupedzisira iri kutarisirwa kupinda pamusika neChipiri chino. Misika yemakondirakiti ichaenderera mberi nebasa kusvika varimi…

‘Koshesai upenyu’

Kingstone Mapupu SANGANO reZimbabwe National Traditional Healers Association (ZINATHA) riri kuyambira nhengo dzaro kuti dzikoshesa upenyu hwevanhu kwete mari pakushanda kwadzo munguva ino yeCovid-19. Zinatha inoti nhengo dzayo idzo dzinoshandira…

×
×