‘Hatisisina chekubata’

Abel Ndooka

SANGANO revaimbi vechitendero vechidzimai, reZimbabwe Female Gospel Artists Association (ZFGAA), rinoti nhengo dzaro zhinji dzakakanganiswa zvikuru nedenda reCovid-19, naizvozvo vakabatana ndokubura dambarefu ravo iro vanotarisira kuti rigoshandura upenyu hwavo nehweveruzhinji.

ZFGAA ine nhengo 50 idzo dzakatekeshera nenyika yose kwoitawo vamwe vanogara kunze sekuSouth Africa asi vachiimba nziyo dzechitendero.

Achitaura, sachigaro weZFGAA – Hetisani Mharidzo – anoti nhengo dzavo dzakanganiswa zvikuru neCovid-19, izvo zvavatuma kuti vaite mushandirapamwe wekubika dambarefu rinonzi Tawana rugare iro vaimbi vose vari 50 vakabatsirana pakuribika.

“Isu sevaimbi vechidzimai, vazhinji vedu tairaramiswa nemari dzaibva kumashoo. Saka kubva mukumiswa kwakaitwa magitare (mashoo), upenyu hwevazhinji vedu hwabva hwashanduka. Tiri panzara chaiyo, mhuri dzedu hadzina chekubata nekuti magitare ndiwo aitiraramisa.

“Kana nguva yekumbonofara nemhuri dzedu hatisisina kana yekuenda kukereke chaiko nekuti zvose zvakavhiringidzwa neCovid-19,” anodaro Mharidzo.

Kuungana kwose kwakambomiswa neHurumende nechinangwa chekuedza kumisa kupararira kweCovid-19.

Mharidzo anoenderera mberi achiti, “MunZFGAA tine nhengo dzinosvika 50 uye munyika yose tine mapoka anove masere anobva kumatunhu akasiyana kwoitawo rimwe rekuSouth Africa obva akwana masere.

“Saka dunhu roga-roga rine kambo karo karakaita ako kachange kari padambarefu redu iri. Chishuwo chedu kuti upenyu hwedu sevaimbi uye senyika yose tigobatsirikana zvikuru neshoko rerudo nekubatana iro tiri kuparidza panziyo dzatakatsikisa.”

Dzimwe nhengo dzeZFGAA dzinosanganaisira Precious K, Pastor Roe Makawa, Tendayi Mateyu, Martha Longwe, Mai Duri, Mai Muswazwi nevamwe vakawanda.

Aka hakasi kekutanga nhengo dzeZFGAA dzichibatana kushanda pamwe chete, sezvo sangano iri richizivikanwa nechirongwa chekubatsira vanotambudzika pamwe nekushanyira kumajeri vachinobatsira madzimai kuburikidza nekuvapa masanitary pads nezvimwe.

Related Posts

Madzimambo oronga bira reLake Kariba

Muchaneta Chimuka MAMBO Ngezi, VaPeter Pasipamire, vekuMhondoro – Ngezi mudunhu reMashonaland West vanoti zvakakosha kuti paitwe bira kuLake Kariba senzira yekuchenura zvichitevera njodzi yengarava iyo yakauraya vanhu vakawanda uyewo nechinangwa…

Mwedzi 6 mujeri afukunura guva ratete

Munyori weKwayedza MURUME wekufukunura guva ravatete vake achida kutora maringi avo emuchato ayo aifunga kuti vakavigwa nawo, Challenge Jasi (38), akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu nedare reMurehwa Magistrates Court. Jasi,…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *