‘Wanzai chenjedzo yeCovid muzvikoro’

Muchaneta Chimuka VANA vechikoro pamwechete nevabereki vari kukumbira Hurumende nevamwe vatsigiri kuti vasimbaradze zvirongwa zvekudzivirira chirwere cheCovid-19 muzvikoro vachiti pachiri kudiwa dzidziso yakasimba pamusoro pedenda iri sezvo vamwe vana vari…

Zim yotamba nePakistan

Abel Ndooka Chikwata chenyika checricket chemaChevrons chakatanga gadziriro dzekusangana nePakistan izvo zvichaona zvikwata zviviri izvi zvichitamba mitambo miviri yeTest match series nemitatu yeTwenty20 International Series (T20I). Mukushi wemashoko kuZimbabwe Cricket…

‘Ndoda kuenda Cameroon’

Abel Ndooka Mubati wepagedhi wemaWarriors neNkana FC yekuZambia — Talbert Shumba — anoti akagara mudenga rechinomwe zvichitevera kubudirira kwakaita chikwata chenyika ichi kuenda ku2021 Cameroon Africa Cup of Nations (Afcon)…

Chenjererai ‘third wave’: President

Tandayi Motsi MUTUNGAMIRI wenyika President Mnangagwa vanoti zvakakosha kusimbaradza matanho ekudzivirira kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kechitatu (third wave) sezviri kuitika kune dzimwe nyika. Vachitaura mumashoko avo pamusoro pekudzivirira kupararira kwedenda iri…

Shirikadzi yorera nherera 20

Kingstone Mapupu MBUYA vanova shirikadzi vekuRuwa vari kubatsira vana nherera nevanomberereka mumigwagwa nekuvawanisa pekugara pamba pavo vachivaendesa kuchikoro panguva ino nyika iri kurwisa Covid-19. Mbuya Peggy Chiware (70) vanogara kuOld…

Mwana akazvambaradzwa naticha

Muchaneta Chimuka MWANA wechikoro ane makore 12 ekuberekwa anodzidza paFungisai Government Primary School, kuChitungwiza, ari kunzi akazvambaradzwa nemurairidzi wake kumagadziko achishandisa “fan belt” izvo zvakaita kuti akuvare zvekusara asisakwanise kugara…

Chembere yekuba mombe yoshaikwa

Muchaneta Chimuka CHEMBERE yekuBeatrice – iyo iri kupomerwa mhosva yekuruka zano rekunoba mombe kudanga revaridzi ichibatsirana nemuzukurukomana wayo ane makore 19 – yakatumirwa gwaro rekusungwa (warrant of arrest) zvichitevera kusadzoka…

Votengesa makadhi ejekiseni reCovid-19

Victor Maphosa VAMWE varapi vemumakiriniki nemuzvipatara zvemakanzuru anosanganisira eChitungwiza vanonzi vave kuita chikiribidi chekutengesa makadhi anoratidza kuti munhu akabaiwa jekiseni remushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuvanhu vasina kubaiwa. Hurumende iri mushishi…

Zororo rePasika: ‘Ngwarirai Covid’

Tandayi Motsi HURUMENDE inoti pachave nekufamba-famba kwakanyanya kwevanhu panguva yezororo rePasika izvo zvine njodzi yekukonzera kupararira kwechirwere cheCovid-19, nekudaro bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kutora matanho akakodzera ekumisa denda iri,…

Rubatsiro rwombomiswa

Munyori weKwayedza CHIRONGWA chekubatsirwa kwevanhu vanotambura nechibage chichambomiswa munaKubvumbi uye Hurumende ichapa ruyamuro kumhuri dzichatadza kuwana goho rakanaka mwaka uno apo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19. Izvi zvakaziviswa negurukota revashandi…

×
×