Chembere yekuba mombe yoshaikwa

Muchaneta Chimuka

CHEMBERE yekuBeatrice – iyo iri kupomerwa mhosva yekuruka zano rekunoba mombe kudanga revaridzi ichibatsirana nemuzukurukomana wayo ane makore 19 – yakatumirwa gwaro rekusungwa (warrant of arrest) zvichitevera kusadzoka kwayakaita kudare kuri kutongwa nyaya iyi.

Rosemary Mupingo (74) pamwe nemuzukuru wake Tendai Musonza, avo vanogara panhamba 4 Georgina Farm, kuBeatrice nguva yapera vakamiswa mudare reChitungwiza Magistrates Courts vachitongerwa mhosva yekuba mombe.

Musonza akatopihwa chirango chake chekugara mujeri kwemakore mapfumbamwe nemusi wa15 Kurume apo ambuya vake vasina kuuya kudare zvikaita kuti vatumirwe magwaro ekusungwa.

Mutongi munyaya iyi ndiVaTinashe Tashaya.

Muchuchisi Cecilia Mashingaidze akaudza dare kuti nemusi wa5 mwedzi uno, vaviri ava vakaenda kudanga remumhan’ari Fredrick Sadomba (56) riri paPlot 5, Georgina Farm, kuBeatrice.

Vakapinda mudanga ndokuba mombe imwe chete vachibva vanoisungurira kumusha wavo.

Varidzi vemombe vakaronda matsimba netsoka dzevanhu vainge vapinda mudanga iri achibva anovasvitsa pamba pevasungwa vaviri ava.
Vakakwanisa kusunga Musonza uyo akazodura ambuya vake vachibva vaenda kunoratidza vamhan’ari pamuti uri chinhambwe chemamita 100 kubva pamba pavo apo vainge vasungirira mombe iyi.

Mombe iyi inokosha $49 800,00.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×