C B Z yobatsira vechidiki

Tafadzwa Mutsotso

BHANGA reCBZ rakaparura chirongwa chekubatsira vechidiki vane makore anotangira pa18 kusvika 30 okuberekwa, cheYouth Entrepreneurs Programme (Y.E.P), nemari yekuti vaite mabhindauko anovararamisa.Svondo rapera vebhanga iri raiva kuBindura uko rakaita musangano nevechidiki pamusoro pechirongwa ichi. Vachitaura nevatori venhau, VaJoel Gombera, vanova mukuru kuchikamu chemarketing kuCBZ, vanoti donzvo ravo nderekusimudzira vechidiki.

“Chirongwa ichi takachiita mumatunhu anoti Manicaland, Mashonaland West neMashonaland East. Nhasi tiri muno muBindura, kuMashonaland Central.

“Vechidiki vari kuratidza kufarira chirongwa ichi. Vari kuti vanoda kudzidziswa kuti vangazvifambise sei zvemabhizimisi,” vanodaro VaGombera.

Vanoti chinangwa chavo ndechekubatsira vechidiki vanosvika zana mupurovhinzi yoga-yoga kuti vakwanise kutanga mabhindauko. Mumwe wechidiki ari kubatsirika pasi pechirongwa ichi, Wilfred Brown, anotenda CBZ nekuvasimudzira.

“CBZ yatigonera chaizvo nekuti tanga tiine mapurojekiti akawanda mumisoro yedu asi kuti tiatange zvanga zvakatiomera nekuda kwekushaya mari uye ruzivo. Ndine tarisiro yekuti zvishuviro zvangu zvave kuzozadziswa neY.E.P,” anodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *