Otsvaga rubatsiro rwekuvhiiwa

Kingstone Mapupu MURUME wekwaMashayamombe, kuMhondoro, ari kutsvaga rubatsiro kubva kune veruzhinji rwekuti akwanise kuvhiiwa ruoko rwake urwo akakuvara paakadhirikirwa ari pasi pemugodhi achiita zvechikorokoza. VaJohannes Choga (22), avo vanogara kwaSabhuku…

‘Vanotengesa muviri vanoda kudzivirirwa’

Muchaneta Chimuka VANHU vanoita mabasa ekutengesa miviri yavo vanonzi vari panjodzi huru yekutapurirwa kana kutapurira vamwe – kusanganisira vavanodanana navo – chirwere cheCovid-19. Nokudaro kune mapoka ari kukurudzira kuti kudai…

Musaunganidze vanhu: Mapurisa

 Kingstone Mapupu naMuchaneta Chimuka MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira n’anga dzinoita zvehutsikamutanda kumaruwa nekumapurazi dzichiunganidza vanhu kuti dzisiyane nemaitiro aya panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo kuita kwakadai…

Vechikuru voshungurudzwa…Vonangwa huroyi nen’anga matsotsi…Vachitorerwa pfuma yavo semuripo

VAGARI vekuSanyati nekuGokwe — kunyanya chembere neharahwa — vanonzi vaoneswa nhamo nekushungurudzwa nen’anga dzemanyepo idzo dziri kufamba ikoko dziine zvinhu zvakaita senyoka dzavanokandira vanhu mudzimba, dzichitsigirwa nemamwe masabhuku nemadzishe, pakupumha vanhu huroyi.

Vechidiki vopangwa mazano

MADZISHE nevanhu vechikuru vari kutambira nemaoko maviri chirongwa chakatangwa nemudzimai wemutungamiri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa chinonzi Nhanga/Gota/Ixiba icho chakananga kudzidzisa vanasikana nevanakomana tsika dzakanaka uye kuti vasiyane nekupinda pabonde vasati vabva zera uye kuti vasatora zvinodhaka.

‘6 DAYS’ ARERE NECHITUNHA

MUDZIMAI anoroja mumusha weKuwadzana Phase 3, muHarare, anonzi akagara nechitunha chemurume wake kwemazuva matanhatu apo airara nacho kusvikira chawora achiti ainge audzwa nemweya mutsvene kuti mudiwa wake aizomuka mukufa.

Covid ingangotivhiringa: Mpandare

MANEJA wechikwata chenyika chemaWarriors — Wellington Mpandare — anoti nekuda kwemitemo yekurwisa chirwere cheCovid-19 iri kunyika yeEngland, vatambi vavo vakaita saMarvelous Nakamba weAston Villa naTendayi Darikwa weWigan Athletic vanogona kukundikana kuuya kuzomirira nyika mwedzi unotevera apo vachasangana neBotswana neZambia mumitambo yekurwira kuenda kuAfrica Cup of Nations gore rinotevera.

Covid: Jekiseni raunza tariro

ZIMBABWE svondo rapera yakatanga chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 icho chakonzera matambudziko makukutu pasi rose.

Basketball yogeda-geda

MURAIRIDZI wechikwata chebasketball cheJBC Basketball Club — Addison Chiware — anoti vatambi vakawanda vemutambo uyu vanoda kuziva remangwana ravo zvichitevera kumiswa kwakaitwa mitambo yose gore rapera senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

. . . vaifunga kuti akafa achamuka

KWAYEDZA payakashanyira nzvimbo iyi nemusi weChitatu svondo rino yakawana Madzimai Jeniffer Dheka (38) vanogara panhamba  8906 apo vanoroja nemhuri yavo vose vasipo vachinzi vakange vaenda kumusha kwavo kuGuruve kunoviga murume wavo.

×