Otsvaga rubatsiro rwekuvhiiwa

Kingstone Mapupu
MURUME wekwaMashayamombe, kuMhondoro, ari kutsvaga rubatsiro kubva kune veruzhinji rwekuti akwanise kuvhiiwa ruoko rwake urwo akakuvara paakadhirikirwa ari pasi pemugodhi achiita zvechikorokoza.
VaJohannes Choga (22), avo vanogara kwaSabhuku Runyowa, vanoti dambudziko ravo rakatanga gore rakapera apo vakadhirikirwa nematombo vari mumugodhi ndokutyoka ruoko rwekurudyi.
“Ndaiva munhu aizvishandira kusvikira pandakazoita tsaona ndokutyoka ruoko rwekurudyi rwunova rwandinoshandisa. Ndakaenda kuchipatara chekuChegutu ndikaiswa plaster katatu kusvikira pakazobviswa yekugumisira ndokusiiwa ndakadaro,” vanodaro VaChoga.
Panguva iyi vanoti ruoko urwu rwakatanga kuzvimba nekugara rwuchirwadza vakazoenda kuchipatara cheSally Mugabe Hospital nekuParirenyatwa Group of Hospitals uko vakanzi vanofanirwa kuvhiiwa kuti mabhonzo akasarira mukati neakapesana abviswe nekugadziriswa.
“Mari dziri kudiwa nemachiremba ndakadzishaya uye ndikaendawo kumachiremba akazvimirira vanodawo mari zhinji iyo ndisina. Ndakazoenda kuchipatara cheKaranda chiri kuMt Darwin uko ndakanotadza kuwana mari yaidiwa zvakare kusvikira ndazodzoka kuzogara zvangu ndichingorwadziwa,” vanodaro VaChoga.
“Kare ndaimbobatsirwa nekutengesa mombe, mbudzi nemakwai zvevabereki vangu izvo zvakapera kufa nezvirwere. Ruoko urwu rwunogara rwuchirwadza, ndiri mukorokoza saka basa rangu rinoda simba nekudaro handichakwanisa kunochera makomba ndichitsvaga goridhe kuti mhuri yangu irarame. Vabereki vangu vose vakafa,” vanodaro VaChoga.
Kune vanoda kubatsira murume uyu vanomuridzira nhare dzinoti 0777 792 365.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×