Ndaitamba dunhu: Siyachitema

Abel Ndooka SHASHA yakambonetsa ichitamba netball, Perpetual Siyachitema, inoti mitambo yedunhu, hwishu nenhabvu yechikweshe yakakosha zvikuru sezvo ichisimudzira matarenda evatambi vechidiki zvinoita kuti vazokura vari shasha mumitambo yakasiyana. Mitambo iyi…

Kunzwisisa ILO Convention nemhirizhonga mumabasa

Geraldine Kabaya MUTEMO weInternational Labour Organisation (ILO) unocherechedzwa pasi rese nedonzvo rekurwisa nyaya dzekushandiswa nenzira dzisina kunaka kwevanhu vakuru uye pwere uye uri pasi pemutemo weUnited Nations nechinangwa chekumiririra kodzero…

Voita ongororo yeBhanan’ana

Runesu Gwidi MAMWE madhokotera emuno nemusi weChishanu svondo radarika vakaparura chirongwa chekuongororo kuti mushonga wechivanhu wakagayiwa kubva mumidzi unoshanda zvakadini mukurwisa chirwere cheCovid-19 kuMasvingo. Mushonga uyu – unozivikanwa nekuti Bhanan’ana…

Madzimai nevana voshungurudzika

Muchaneta Chimuka NYAYA dzemhirizhonga yemudzimba dzinosanganisira kusariritira mhuri dzinonzi dziri kuwanda munyika muno, zvikuru munguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 apo vamwe vanhu vasiri kuenda kumabasa. Madzimai nevana ndivo vari kunyanya…

Vakabatwa vaine tsoko 25

Munyori weKwayedza KUNE varume vana vakasungwa kumuganhu wenyika ino neZambia kuChirundu nemusi weChitatu svondo rapera mushure mekuwanikwa vaine tsoko 25 dzekunyika yeDemocratic Republic of Congo (DRC) idzo vaiedza kupinza muZimbabwe…

Kuramba kushanda kwema‘antibiotics’

KUNYANYA kushandiswa kwemishonga yakaita semaAntibiotics munyika muno kunonzi kuri kuisa utano hweveruzhinji panyatwa sezvo mishonga iyi ichigumisira yotadza kushanda zvakanaka mukurwisa zvirwere zvinosanganisira typhoid, cholera kana Covid-19.

Sango rizere nyama

MURUME wekuHwange, kuMatabeleland North, akabatwa nemapurisa eko, vamwe vake vaviri ndokutiza apo vakawanikidzwa vachisasika nyama yenhoro (kudu) nhanhatu dzavainge vauraya pamitariro musango.

Mushonga wekudiwa nevakadzi womunetsa

MURUME anogara kuMainway Meadows kuWaterafalls, muHarare, anoti ava kunetswa nemushonga wekuti adiwe nevakadzi nekumusimbisa musana uyo waakapihwa nasekuru vake asi zvino wava kumukonzera kuti adanane nemadzimai nevasikana vakawandisa zvekusvika pakumufinhura.

Huku yekuuraya munhu — Part II

MURIDZI wejongwe rehuku rinonzi rakaruma mudzimai wekwaChigodora, kwaMambo Zimunya, kwaMutare akazofa anonzi anofanirwa kumiswa mudare ramambo weko nekuda kwenyaya iyi.

Mapostori akaba chitunha

VARUME vatatu vemhuri imwechete vekwaMutambara, kuChimanimani, vanonzi vakabatsirana kuponda babamukuru wavo, ndokuzoba mutumbi wacho kumochari vachibva vanoutsveta kumba kwemushakabvu.

×