Vakabatwa vaine tsoko 25

Munyori weKwayedza
KUNE varume vana vakasungwa kumuganhu wenyika ino neZambia kuChirundu nemusi weChitatu svondo rapera mushure mekuwanikwa vaine tsoko 25 dzekunyika yeDemocratic Republic of Congo (DRC) idzo vaiedza kupinza muZimbabwe nechikiribidi.

Vasungwa ava – zvizvarwa zviviri zvekuDRC, mumwe chete wekuMalawi newekuZambia – vakasungwa nevashandi veZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks) vachibatsirana nemapurisa emuno.

Vose vari mutirongo uye vanofungidzirwa kuti vange vachienda netsoko idzi kuSouth Africa.

Mhando yetsoko idzi haiwanikwe nyore, uye dziri kuDRC bedzi zvekare dzainge dzakatakurwa mumota yakavharika.

ZimParks pari zvino ndiyo iri kuchengeta tsoko idzi dzichimirira kudzoserwa kuDRC.

“Takawana tsoko idzi, idzo dzakange dzatorwa zvisiri pamutemo kuDRC uye dzinogona kunge dzaiendeswa kuSouth Africa.

“Zvizvarwa zvina zvekunze kweZimbabwe, vaviri vekuDRC, mumwe wekuMalawi newekuZambia vakasungwa nekuda kwemhosva iyi. Vakamiswa mudare reKaroi uye vachiri muhusungwa,” vanodaro VaTinashe Farawo avo vanova mutauriri weZimParks.

“Tiri kuchengeta tsoko idzi mumakeji tichidzipa chikafu nemichero zvakabva kune vane tsiyo nyoro. Dzakashungurudzwa nekufamba rwendo rwakareba kwadzakaita.”

ZimParks inoda kupa tsoko idzi mishonga yakasiyana uye ichiri kuongorora mararamiro adzo isati yadzidzosera kwadzakatorwa.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×