Kuchengetedza goho zvakanaka
Wendy Madzura— MAKASIMBA here varimi kumativi mana enyika? Svondo rino tinoda kubata rimwe bandiko rakakosha zvikuru kumurimi – nyaya yekuchengetedza goho zvakanaka.
Gomarara: Zvinoda mushandirapamwe
VARAPI vechivanhu nevemachechi vari kukurudzirwa kushanda pamwe chete nebazi rezveutano nekurerwa kwevana mukuparadzira chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pechirwere chegomarara.
‘Takasoterwa mabhurugwa edu nen’anga’
‘. . . murume wedu achiziva’ MADZIMAI maviri — ayo anga akaroorwa pachipari asi wanano yavo vose ndokuzoparara — vari kupomera aimbove murume wavo mhosva yekutora zvipfeko zvavo zvemukati ndokuenda…
Dzikisa sadza nemadora
Zviri Mugapu MADORA kudya kunonaka uye kuchivaka muviri sezvo aine mapuroteni. Munhu unogona kupedza mukonde wesadza kana usavi hwemadora hwabikwa zvine unyanzvi.
Zvimwe zvinodzidzwa paKushinga Phikelela
KUSHINGA Phikelela Polytechnic ine zvikamu zvakasiyana zvedzidzo zvinosanganisira Construction and Engineering, Engineering, Applied Sciences, Applied Arts, Information Technology, Business Studies, Management Studies neEnvironmental Health.
Ony’ura makumbo mudumbu
MUNYAYA inoita kunge firimu asi iri yechokwadi, mukadzi wekuDomboshava ane dambudziko rakakomba — anorwara makumbo ake achiny’ura mudumbu zvekusvika mumabvi, ozobuda mushure mekunge arwadziwa zvakanyanyisa.
‘Tamirira Senegal’
AFRICA yose ichange yakatarira chikwata cheLions of Teranga chekuSenegal nhasi (musi weChina) apo chichasangana neColombia mumutambo wacho wekupedzisira weFifa World Cup Group H, kuRussia.
‘Timu dzemuHarare hadzilume’
APO mwaka wemutambo wePremier Soccer League wave pakati nepakati, mubvunzo une vatsigiri vazhinji venhabvu ndewekuti kubva kwakaita mukombe uyu uchienda kuZvishavane uchazodzoka here muHarare kana Bulawayo?
Mombe 3 000 dzakafa nezvirwere
ZIMBABWE yakarasikirwa nemombe dzinosvika 3 430 nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvishambwe kana kuti zvikwekwe kubva mumwedzi waMbudzi 2017 kusvika Chivabvu gore rino uye dunhu reMashonaland East ndiro rine huwandu hwakanyanya hwemombe…
Sharon Cohen School yakabatsirwa
MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, svondo rapera vakabatsira vana vepachikoro cheSharon Cohen Special School, chiri kuChitungwiza, nemabhegi echikoro, magumbeze nezvimwe zvinodiwa padzidzo yavo.











