‘Zvikwambo ndizvo zvinodariso’

VACHITAURA pamusoro pedambudziko remukadzi wekuDomboshava uyo ari kuny’ura makumbo mudumbu, VaPatrick Kapfunde, avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Bhaureni kwaMadondo, kuMt Darwin, vanoti Hilda Musasa anogona kunge ari kushandisirwa zvikwambo.

Nyamutsika, Mhandu hutu nemukombe

SHANGWITI dzemujaho wemarathon – Caniscious Nyamutsika naCaroline Mhandu – ndivo vakahwina mujaho weTanganda Half Marathon wemakiromita 21 uyo wakaitirwa kwaMutare svondo radarika.

Varimi vedonje vorumbidzwa

HURUMENDE yopembedza zvikuru varimi vedonje vari kumatunhu anosanganisira Gokwe nekurima nemazvo chirimwa ichi chinova chiri kuunza mari yekunze zvisinei nematambudziko akasiyana ari kusanganikwa nawo.

Kushinga: ‘Tinobura nyanzvi’

MUKURU wekoreji yeKushinga Phikelela Polytechnic iri kuMarondera, VaRoy Mavunga, vanoti chikoro chavo chabura nyanzvi dzakawanda dzemabasa emawoko akasiyana kubvira mugore ra1984.

Mombe yekutaura ‘part ii’

Muridzi wayo haana kuuya kudare  Zvino ndava kumusunga – Mambo Abel Zhakata ari kwaZIMUNYA MHOMHO yevanhu vakaungana padare raMambo Zimunya, kwaMutare, mangwanani emusi weSvondo wadarika vachida kuzvionera nekuzvinzwira voga mombe…

President vosangana nematicha

Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS— PRESIDENT Mnangagwa vari kutarisirwa kusangana nevairidzi pamusangano uchazeya nyaya dzinosanganisira mashandiro ematicha nezvimwe zvine chekuita nedzidzo.

Rudo ndiwo mupfuhwira

Munyaradzi Gunduza— MIBVUNZO NEMHINDURO: Kubva munhetembo dzechinyakare tinodzidza zvakawanda pamusoro peupenyu netsika dzakare. Tsigira pfungwa iyi zvizere uchishandisa nhetembo shanu kubva muzvikwata zvishanu zvakasiyana. [25]

Mwana (11) ogara mudondo

KAKOMANA kemakore 11 ekuberekwa kemubhuku raMatemera, kwaMashayamombe, kuMhondoro, kari kugara musango semhuka kachirarama nekudya michero nemidzi yemiti yemudondo zvichitevera kushungurudzwa kwakanoti kanoitwa naambuya vako.

‘Ndakabata mukadzi wangu nechikomba’

Gamuchirai Muzanenhamu— MURUME wekuzama kushandisa dare redzimhosva kuti arambe mudzimai wake akazoshaya pekupinda nekunyara apo chikumbiro chake chakaraswa.

Matambudziko evatambi

Munyaradzi Gunduza— MUMABHUKU ese enganonyorwa munoburitswa matambudziko achiwira vatambi. Nzira dzinoburitswa ndidzo dzinosiyana asi matambudziko anonyanya kuonekwa mumabhuku akafanana nekurohwa, kutukwa, kushaya mbereko, urwere, nzara, hondo nemamwewo.

×