Migwagwa nemazambuko zvaparara kudunhu raMambo Chireya
MABASA ebudiriro mudunhu rekwaMambo Chireya, kuGokwe, anonzi ave kudzokera kumashure zvichitevera kuipa kwemigwagwa yeko izvo zvave kutadzisa motokari nemabhazi kufamba zvakanaka.
Zvinoreva huwandu hwevanokwikwidza
KWASARA mazuva makumi maviri nemana kuti vanhu vaende kusarudzo dzomusi wa30 July kunosarudza mutungamiri wenyika, nhengo dzeParamende nemakanzura.
Ogara nhaka baba vapenyu
Janet Chari— MURUME wekuTafara, muguta reHarare, akapotera kudare achiti mwanakomana wake anoda kumuuraya zvichitevera kutuma kwaakaita mukoma wake kuti anochinjanisa mombe yaakange apihwa nemukuwasha paroora remwanasikana wake.
Akapirwa gupuro kubasa
Gamuchirai Muzanenhamu— MURUME samusha anoti mudzimai wake akamutevera nebhegi rizere mbatya dzake kubasa kwake ndokusvikomurwisa zvose nekumupa gupuro pamberi pevamwe vavanoshanda navo.
Kutendererwa nenhunzi hakusi kuora
IMBWA HAIHUKURE SADZA DAI hasha dzaiverengwawo pachaverengwa mavhoti esarudzo yegore rino, Cde Kutuka vaihwinha sarudzo zvisina anopikisa. Kwese kwese, asi kunyanya muHarare vanhu vazhinji vave kungotaura foshoro, zvekuti dai rough…
‘Sori ndakadanana nemurume wenyu’
Janet Chari— MUKADZI wekudanana nemurume wemuridzi ava kuzvidemba sezvo achiti ari kugara achirikitwa kurohwa nemudzimai wemurume uyu achiita zvekumukutsirana nehama neshamwari dzake.
Kuroorerana handi mhaka
SVONDO rino tine nyaya inorwadza zvikuru – nyaya yemukuwasha ari kuti akatorerwa imba namadzitezvara ake semuripo weroora remudzimai wake uyo akashaya asina kunge akabvisa pfuma yekumuroora.
Vana vekunze kwewanano nemagwaro ekuzvarwa
Audrey Kudzai Gonyora Zulu— KUTORESWA kwemagwaro ekuzvarwa muZimbabwe kunoitwa pasi pemutemo weBirths and Deaths Registration Act (Chapter 5.02).
Grade 7, naticha danga
Kupatsanura nekubatanidza mazwi Ticha Danga— TINODA zvino kuchipendera nyaya yekunyora zvakanaka muchikamu chino tichinanga nepatsanuro yemazwi iyo inopa vana dambudziko nguva zhinji.
MAPOSITORI VAKAVHURA GUVA
. . . sabhuku akavharwa ne$2 Kingstone Mapupu MUKADZI anopinda chechi yechipositori ari kuti chitunha chemwana wake, uyo akafa zvisinganzwisisike, chakafukunurwa nevamwe vechechi yake yeJohane Masowe weChishanu mushure mekunge vatanga…




