Ndipo paperera rwendo pano!

Kingstone Mapupu MUGWAGWA weSkyline-Mubayira-Chegutu wava wemazuvandadzoka nekuda kwekuipa uko waita zvichikonzera mabhazi nedzimotokari kugara zvichiny’ura nekutadza kuyambuka mazambuko kuburikidza nekunaya kwemvura.

Dzidzasai bumbiro remutemo: Mudenda

Lawrence Chitumba MUTAURIRI wedare reNational Assembly, Advocate Jacob Mudenda, vanokurudzira kuti muzvikoro munge muchifundiswa nyaya dzezvebumbiro remutemo renyika, zvikuru kumayunivhesiti nemakoreji, kuitira kuti vagari vemuZimbabwe vazive zvinodiwa nemitemo yenyika yavo.

Kugovewa kwenhaka kushirikadzi

Danai Chirawu KANA munhu achinge afunga kuroora muZimbabwe, kune zvibvumirano zvewanano zvakasiyana zvinopa mudikani anenge asara mikana yekuti ave mudyi wenhaka yemudziyo yake kana kuti kwete.

‘Vakuru vemachechi mirai pachokwadi’

Malven Mugadzikwa MUIMBI ari kusimukira mumusambo wenziyo dzechitendero anoti vatungamiriri vemachechi, kusanganisira maporofita, vanofanira kuve vanhu vane chiremerera uye vanomira pachokwadi.

Premier Tobacco yagadzirira kutenga fodya

Kingstone Mapupu KAMBANI yePremier Tobacco Auction Floors inoti yagadzirira zvakazara mwaka wekutengeswa kwefodya uyo uri kutangisa svondo rinouya musi wa21 Kurume.

Zvikamu zvitatu zvengano

Munyaradzi Gunduza MAVAMBO Ngano dziri muboka reuvaranomwe hwemutaurwa, uye dzakaumbwa nezvikamu zvitatu zvinoti mavambo, pakati uye magumo. Ngano zhinji dzaitanga zvakada kufanana sekuti, Kwaivepo . . ., Kune imwe nyika…

Nyachide, vahosi vorwira michero

Ron Zvawada MUDZIMAI nyachide pabarika akadhonzera vahosi vake kudare achiti vari kumuonesa moto, kusanganisira kuuya pamba paanogara vachiti vanoda kutanha michero yekuti vatengesa kuitira kuti vakwanise kuriritira mhuri.

Handinzwe kuda murume wangu

Bvunza Kwayedza naSekuru Mutanga MUBVUNZO: Ndiri mudzimai ane makore 27 okuberekwa, ndakaroorwa uye ndine vana vaviri. Dambudziko rangu nderekuti handichanzwe kuda murume wangu kana tiri mumba huru. Kana iye murume…

Tose mumuforo kuvandudza nyika!

SVONDO rino ndarangarira zvinotaurwa mushoko raMwari panonzi paya, panowanda mashoko hapashaikwi rutadzo. Saka Mukwende ari kukupai mikwende yemifananidzo yaakatora muguta reHarare nezuro chaiye.

Ndiro yakazara nyama nemuto wembwa

IMBWA HAIHUKURE SADZA UNOITA kunge munhu ari kurota zvinotyisa. Unoona uchiita sekuti wanga uri mubhazi, asi panzvimbo yekuti mubhazi umu munge muine vanhu, imbwa ndidzo dzanga dzakagara pazvigaro sevanhu.

×