‘Mukombe kuDeMbare’. . . Mutasa otaura nezvepsl 2018
Abel Ndooka KUCHANGE kusingadanwe anonzwa kunhandare dzakasiyana dzenyika musi weMugovera neSvondo apo zvikwata zvose zvinokwikwidza muCastle Premiership zvichatatsurana mumitambo yazvo yekutanga kurwira mukombe uyu.
Sabhuku wekushinha Nemuroora otongwa
Kingstone Mapupu TEZVARA wekwaNyamweda, kuMhondoro, wekunzi akabatikidzwa achishinha nemuroora wake musango remapuranga zvikazopa kuti muroora uyu afe nekunwa muchetura nekuda kwenyadzi, ava kuzomiswa mudare ramambo weko achitarisana nemhosva yekuita makunakuna.
Ndini ndinobika: Murume rovha
Gamuchirai Muzanenhamu MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achinzi anomushaisa rugare akashamisika nedanho iri sezvo achiti anoedza nepose paanokwanisa kufadza mudiwa wake nezvakaita sekufanobika zvekudya kana mukadzi uyu asipo.
Boka yauya nezvitsva
Kingstone Mapupu BOKA Tobacco Auction Floors (BTF) inova kambani huru inotengesa fodya pasi rose yosimbaradza kurimwa kwefodya uye yakatanga chirongwa chekutsigira kurima kwechirimwa chitsva chinodaidzwa kuti Chia kana kuti Runinga.
Simudzirai zvivakwa: ed
Fidelis Munyoro PRESIDENT Emmerson Mnangagwa vanoti zvakakosha kuti pave nekusimudzirwa kwezvivakwa muzvikoro zvedzidzo yepamusoro kuitira kuti vadzidzi vakawanda vawane mukana wefundo pamwe nekudyidzana kwakasimba nemapoka anoona nezvedzidzo.
Batsirai Ropafadzo Mahichani
Muchaneta Chimuka MWANASIKANA anogara nevabereki vake mumusha weWarren Park, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro rwekuti anoongororwa pamwe nekurapwa chirwere chisati chave kuzivikanwa icho chamutambudza kwemakore mapfumbamwe izvo zvaita kuti arasikirwe nerimwe…
‘Kurima ngarive bhizinesi’
Muchaneta Chimuka VARIMI vefodya vokurudzirwa kutora kurima sebhizinesi kuitira kuti vawane punduko mumabasa avo. Kurudziro yakaitwa pamusangano wevarimi wakaitirwa muguta reHarare nguva pfupi yadarika uyo wakapindwa nemapoka akasiyana waive nedingindira…
Sadza nemuriwo wemuboora
ZVIRI MUGAPU MURIWO wemuboora unowanikwa zvikuru munguva ino yeZhizha zvekare haunetse kubika uye mudya ndakasungwa kana uchinge wanyatsokaringwa zvine hunyanzvi.
‘Tinodawo magetsi kuMarirangwe’
Kumbirai Bakuri KUSHAIKWA kwemagetsi kuWard 14 yeMarirangwe, kuBeatrice, kubva gore rapera kunonzi kwadzosera shure budiriro muzvikamu zvakasiyana kusanganisira dzidzo nezveutano.
‘Rimai zvine ungwaru’
Adrian Mawurukira VARIMI vokurudzirwa kutevedzera nzira kwadzo dzekurima nedonzvo rekuti vawane goho guru. Kurudziro iyi yakapihwa naVaAliki Aliki vanova Arex supervisor kuwadhi 6, 7 ne9 svondo rapera kuMarirangwe, kuBeatrice pagungano…











