Seed Co yakapa hupfu kuchipatara cheBanket

Malven Mugadzikwa KAMBANI inouchika mbeu munyika muno, yeSeed Co, svondo rapera yakapa chipatara cheBanket Hospital nematani maviri nechidimbu ehupfu rinova danho rinotarisirwa kusimudzira zvikuru utano hwevarwere.

Vakatyora chikomba chehanzvadzi gumbo

Muchaneta Chimuka MUKOMA nemunin’ina vekunzi vakakutsirana kurikita mukomana anodanana nehanzvadzi yavo zvekusvika pakumutyora gumbo nesimbi senzira yekumumanikidza kuti atizire kwaari vakaigochera pautsi zvichitevera kumiswa kwavakaitwa mudare.

Command Agriculture yorumbidzwa

Kingstone Mapupu HURUMENDE yorumbidzwa zvikuru nekuda kwechirongwa cheCommand Agriculture chekubatsira varimi nezvekushandisa izvo zviri kuita kuti Zimbabwe ive nemaguta.

Maporofita nen’anga chikuruku manyanya

MAZUVA ano maporofita nen’anga vawandisa zvekuti hazvishamise kunzwa kuti munzvimbo diki-diki munogona kuita zvikwata zvemaporofita kana n’anga makumi maviri.  Izvi zvinopa mubvunzo wekuti vose ava vari pachokwadi here? Asi kana…

Ngatirekete ngezvipoko

REKETE CHINDAU: ISHMAIL PENYAI NDAUWE ndauwe! Tinode kubonga Marure ngemvura iri kunaya mazuwano. Kunyazi mumunda mwakhona amuzi kuzohamba kahle asi mvura inondodiwa kuitire pfuma yedu nekuti mikowa yedu iyi isaphwa.

Ngwarira Fesibhuku!

Munyaradzi Gunduza NYORA zvidzidzo, zvishanu zveupenyu zvawakawana mumutambo Kereke Inofa uchitsigira nezvinoitika mumutambo uyu. [25] Chidzidzo chekutanga chandakawana muna Kereke Inofa ndechekuti rina manyanga hariputirwe mumushunje. Izvi zvinojekeswa naPastor Mwenje…

Ndotsvagawo murume wekuwadzana naye ane makore 39 – 45

MAKADII? Ndiri mudzimai ane makore 42 nevana vatatu, ndinotsvagawo murume anodawo zvemba uye anoda kuti tinoongororwa ropa pamwe chete. Ndinoda ane makore 44 zvichienda mberi. Ngaave anoziva Mwari, achinamata. Ndakambonyorera…

‘Ndiwe honzeri, unoonesesa’

Gamuchirai Muzanenhamu MUMWE murume akaendesa muramu wake kudare achiti ari kukonzeresa bopoto mukugarisana kwavo nekupindira munyaya dzemumusha wake.

Pfuyai mbudzi: zcfu

Kingstone Mapupu SANGANO rinomirira varimi vakuru munyika muno reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU) rokurudzira kuti vapfuye mbudzi dzakawanda pane kungochengeta dzekudya chete sezvo vachikwanisa kuwana pundutso kuburikidza nekudzitengesa.

‘Hazvidi hope’

Abel Ndooka MURAIRIDZI wechikwata chenyika chemaWarriors – Sunday Chidzambwa – anoti zvikwata zvemuno zvinofanirwa kuita gadziriro yazvo yakasimba kana zvichida kubudirira mumutambo weCAF Champions League.

×