‘Bhadhara mari yezvidhinha’
Gamuchirai Muzanenhamu NYAYA yekutengeserana zvidhinha yakazoita kuti vamwe varume vaviri vasvitsane kumatare edzimhosva, nyakutengesa achiti anoda mari yake.
MAONERO EDU: Zimsec: Vanhu ngavarove pasi
SVONDO rino nemusi weChishanu (16 Kukadzi) vana vakanyora bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rapera vari kutarisirwa kunyora zvakare zamanishoni reEnglish Paper 2.
Vokohwa mvura kuBindura South
VARIMI vekuBindura South, kuMashonaland Central, vari kubatsirikana nezvirongwa zvekukohwa mvura izvo zviri kutungamirirwa nenhengo inovamirira mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira.
Bindura South yovandudza zvikoro nemakiriniki
VAGARI vekuBindura South vave kubatsirikana nemabhindauko akasiyana ari kuitwa mudunhu ravo ayo anosanganisira kuvandudzwa kwezvikoro, migwagwa, nemakiriniki.
Mari yeCDF ngaibatsire munhu wose: Matangira
Nyaya dzose naDaphne Machiri VANOMIRIRA Bindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira, vari kubatana nevatungamiriri vematunhu vanosanganisira madzimambo, masabhuku nemakanzura mukuona kuti mari yekusimudzira budiriro mudunhu ravo, yeConstituency Development…
Mhoro dj weRadio Makuhwa
naIgnatius Mabasa KANA usina kuzviona nemaziso ako kana kuzvinzwa nenzeve dzako, zvitye nekuti mazitye, hadzisi hembe itsva. Variko vanongobvuma manzwira-nzwira neekuti kwaMuzabanani nzou dzapera kufa nemariva.
English Paper 2 yaunza mitauro…zimsec ndiyo honzeri’ ‘Vana ngavanyorezve’
Malvern Mugadzikwa naGamuchirai Muzanenhamu VAMWE vabereki nevana vechikoro vanoti vanotsigira danho rakatorwa neHurumende rekuti vana veO-Level vegore rapera vanyore patsva bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) English Paper 2 zvichitevera…
Makwikwi enaph oitwa…Mitambo yakakosha kuvana’
Muchaneta Chimuka VABEREKI vokurudzirwa kutsigira vana vavo muzvidzidzo zvemitambo sezvo vamwe vachizokwanisa kuwana raramo kubva mazviri mune remangwana.
Dingindira revanhu vasina kuvimbika
Munyaradzi Gunduza TSANANGURA madingindira anowanikwa mumutambo Kereke Inofa. [25]
Zvinofambisa rungano
Munyaradzi Gunduza ZVINHU zvinoita kuti mutambo utambike: Kupera kunoita basa raRuvengo kunoita kuti azove rovha otanga kuchengetwa naCindy.








