‘Bhadhara mari yezvidhinha’

Gamuchirai Muzanenhamu
NYAYA yekutengeserana zvidhinha yakazoita kuti vamwe varume vaviri vasvitsane kumatare edzimhosva, nyakutengesa achiti anoda mari yake.

Peter Chikombwe akaendesa Brian Zvoutete kuHarare Civil Court achida kuti apihwe $75 yaanoti yakasara paakamutengesera zvidhinha.

“Ndinoda mari yangu yezvidhinha zvandakamutengesera yaasina kundipa achiti haana kuzviona asi iye ari kuziva kwazviri,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti Zvoutete ari kuda kuita chitsotsi chekusada kumupa mari yake nekuti ane chikwereti chevanhu vakamutakurira zvidhinha zvacho, izvo zvakaita kuti vamutorere zvimwe zvidhinha.

“Anoda kuita chitsotsi, ndakamupa zvidhinha zvake zvakakwana asi ava kuti haana kuzviona iye achiziva hake kuti zvakabatwa nevakomana vaakati vazvitakure kubva pabasa pangu kusvika kwaari kuvaka nekuti akanga asina kuvapa mari yavo,” anodaro Chikombwe.

Anoti anoda mari yake nekuti basa rekukanya zvidhinha harisi nyore.

“Ngaandipe mari yangu, basa rekukanya zvidhinha harina kupfava zvekuti ndingangopa munhu zvidhinha zvangu oregedza kundibhadhara, hazvigone,” anodaro.

Zvoutete anoti haana kuwana zvidhinha zvake zvose uye haazive kuti chii chakaitika sezvo asiriye akaenda kunozvitora.

“Handina kuwana zvidhinha zvakakwana, hameno kuti chii chakaitika nekuti handisirini ndakanozvitora, ndosaka ndisina kumupa imwe mari,” anodaro Zvoutete.

Mutongi Nyasha Marufu akati Chikombwe apihwe mari yake naZvoutete mwedzi waKukadzi usati wapera.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×