Kubika mutakura wenyimo
NYANZVI dzezveutano dzinokurudzira vanhu kuti vapote vachidya chikafu chakaita semutakura wenyimo uyo unonzi une zvose zvinovaka muviri uye uchigutsa. Pamusoro pezvo, iyi imbuva yeparwendo.
Ndezvemumhuri: Malajila
Abel Ndooka —MUTAMBI wenhabvu wemaWarriors neBidvest Wits yekuSouth Africa, Cuthbert Malajila, anoti shuviro yake kuona vanin’ina vake vachisvika kure mumutambo uyu asi vanofanirwa kushanda nesimba kwete kushandisa zita rake.
Mazizamu tugu . . .Akecha mukadzi wemunhu
Kingstone Mapupu — MURUME wemuMukumbura, kuMt Darwin — wekudanana nemukadzi akaroorwa — akazowana zvinodarika zvaaitsvaga sezvo ava kuzvidemba zvichitevera kusotwa kwaakaitwa nemishonga zvikamuita kuti amere mazizamu akangofanana neemadzimai.
Environmental Management Agency yoshanda pamwe nezvikoro
Muchaneta Chimuka — SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kushanda pamwe chete nezvikoro mumabhindauko ekugadzira zvinhu zvakasiyana kubva mumarara nedonzvo rekuchengetedza nharaunda, izvo zvinoenderera negwaro idzva reNew
Shato dzodya sadza
Kingstone Mapupu naOwen Madondo — PANE mazinyoka mana — ehe 4 — ayo akakura zvekuti anogona kumedza kana munhu ari kuonekwa pedyo nezvikoro zviviri zviri kwaRusape apo anenge achiita mashura…
Handisati ndapera: Mai Sorobhi
Abel Ndooka — SHASHA yakambonetsa zvikuru mumitambo yemadhirama aisetsa pamwe nekudzidzisa zvehupenyu, Rhoda Mutembe, uyo vazhinji vanoziva saMai Sorobhi – vanoti havasati vapera uye pakukura kwavo vaifarira kutamba nhabvu zvekuti…
Mwana ndewako, mupinze chikoro
PANE chirevo chinoti dzidzo inhaka yeupenyu, icho chinofanira kukosheswa nemubereki wose kuburikidza nekufundisa mwana wake.
Kurima fodya harisi dambe
Buhle Nkomo —“Pandakada kuve murimi wefodya, ndakasiya basa rangu randaiita ndokubva ndave murimi akazara,” vanodaro Mai Linda Manyore (54) vanove murimi wefodya kuKaroi.
Ngatizivei nezveSyphilis
SANGANO reNational Aids Council (NAC) mumakore apfuura rakange riri kutenga zvinovheneka chirwere cheSyphilis (test kits) senzira yekuona kuti vanhu vese vavhenekwa uye kurapwa chirwere ichi.
‘Inyoka dzemidzimu’
Kingstone Mapupu — NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti nyoka dzerudzi rweshato — idzo dzinonzi dziri kuonekwa dzichidya sadza rinenge raraswa pajekerere kwaRukweza, kwaRusape — chiratidzo chekuti pane zvakakanganiswa pachivanhu.










