Seed Co: Nhaka yemusiidzanwa

Simba Gotosa naRonnie Chigombe —MUNGUVA vapfupi yapfuura varimi vakakwanisa kuuya nehuwandu hwavo kumagungano makuru anoitwa gore rega-rega pamapurazi eRattray Arnold neArt Farm – ose ari pedyo neHarare – kuti vazoona…

Akagocherwa kuenda kubhawa

Blessings Chidakwa ari kuGWERU —MUDZIMAI wekuMkoba 12, kuGweru akapona neburi retsono zvichitevera kupiswa kwaanonzi akaitwa nemurume wake mushure mekunge amudira peturu achimupomera mhosva yekugara achienda kunosasana kubhawa.

Ndinotaura nevatumwa vaSatani — Prophet

Blessings Chidhakwa — MUPOROFITA wekuHighfield, muHarare, ari kukatyamadza veruzhinji zvichitevera mashoko okuti anoti anotaura nevatumwa vaSatani.

Cde Chinx: Muimbi, murwi, jinda raMakoni!

CDE Chinx Dickson Chingaira, vakazorora. Vakaenda kunyika isingadzokwi kusvika Jesu vadzoka. Asi vakaziva Cde Chinx kubva panguva yehondo, kusvika vachizokotsira hope dzisingamukwi, vanoziva kuti Zimbabwe yarasikirwa negamba, gamba

‘Wakavenga hama dzangu’

Lizzy Mushoriwa —MUMWE murume anoti mudzimai wake amugura kunorira sezvo achiti anounza zvikomba pamba uye haadi kuona hama dzake pamusha pavo.

Mufundisi akakwatura Mai Mufundisi

Muchaneta Chimuka —MUFUNDISI wechechi yeVictory International Ministries kuChitungwiza akamiswa pamberi pedare reko ndokubatwa nemhosva yekurova mudzimai wake achimupomera kuita chipfambi.

Muroora odzinga vamwene pamba

Lizzy Mushoriwa —MUDZIMAI wekutizwa nemurume achienda kuSouth Africa uko akamutevera ndokutizwa zvakare, ava kupedzera shungu kuna vamwene achiti haadi kuvaona pamba pake.

Murume nemukadzi zvimbokoma padare

Gamuchirai Muzanenhamu — YAKAVE bata murefu bata mupfupi padare reHarare Civil Court svondo rapera apo murume nemudzimai wake vakarwa mushure mekutongwa kwenyaya yavo yemendenenzi.

‘Wakandipfimba ndikakuramba’

Gamuchirai Muzanenhamu —MURUME wekuendesa muvakidzani wake kumatare edzimhosva achiti ari kumushungurudza akazokahadzika kunzwa onzi ndiye ane daka nemuvakidzani uyu nechikonzero chekuti akambomukanda shoko rerudo iye ndokumuramba.

Mhando dzeusavi

Ticha Danga —NHAURWA chaiyo yemitupo yakatanga yakarerekera mukukudza vanhurume kunyanya pakuvatenda sevanhu vaipinda mumasango kunoshava zvekudya. Zvaipa vashavi masimba nemanyemwe okuramba vachishavira mhuri. Chainyanyoshaviwa

×