onamira pamuporofita
‘Anoita kudarika murume wangu’ Owen Madondo naKingstone Mapupu “MURUME wangu namadzibaba ndinovada vose. Asi madzibaba anoita, ari pamberi.”
Ligi redu muno riri papi?
Abel Ndooka — KUBVIRA pakatanga mwaka mutsva wePremier Soccer League masvondo adarika, zvikwata zvose zvinokwikwidza muligi iri zviri 18 zvakwanisa kunwisa ka55 zvakabatana mumitambo mina yazvatamba.
Pairesi inoda kurongerwa: Chivaviro
Malven Mugadzikwa — SHASHA yenziyo dzechitendero – Reverend Togarepi Chivaviro – vanoti zvakakosha kuti vaimbi vakasiyana vatsvage dzimwe nzira dzekuti vararame nadzo zvichitevera kukura kuri kuita dambudziko rekutengeswa kwemhanzi yavo…
Varwere vepfungwa vawanda – Dr Pari
Muchaneta Chimuka — GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Prirenyatwa, vanoti vanoshushikana zvikuru nekuwanda kwenyaya dzevanhu vari kurwara nenjere munyika muno.
Nyaya yaMatovanyika
MUDZIMAI wangu paakauya pano, nzvimbo ino yakange riri sango chairo. Takatumidza nzvimbo ino zita rekuti Matovanyika nekuti pakutanga zvakange zvakaoma zvikuru uye takashanda zvishoma nezvishoma mukurima ivhu iri, vanodaro VaRichard
‘Wakandimitisa ndiri pachikoro’
Lizzy Mushoriwa — MUSIKANA wekumitiswa asati apedza chikoro akazopotera kudare redzimhosva achida kupihwa mari yekuchengeta mwana waakazobara.
Mushandi unokosha!
ZIMBABWE nemusi weMuvhuro, 1 Chivabvu, ichabatana nedzimwe nyika pasi rose mukupemberera zuva revashandi, rinodaidzwa kuti International Workers Day kana Labours Day — zuva revashandi.
‘Nditoriwo murombo, ndinotochengetwawo’
Gamuchirai Muzanenhamu — MURUME wekuzama kunzvenga kubhadhara mari yekuchengeta mwana wake achizviti murombo anotochengetwawo sezvo asingashande, akazoshaya pekupinda mudare apo akabvunzwa nemutongi kuti sei achimirira kuchengetwa nevamwe iye ave
Shonhiwa haazi kumira
Abel Ndooka — MUIMBI ari kusimukira munziyo dzechitendero — Martha Shonhiwa — anoti kuziva Mwari pamwe nekutendeuka kwaakaita achitanga kunamata ndiko kwakamutuma kuti atsikise mhanzi yemusambo wechitendero.
‘Ndinoyamwisa zinyoka’ ‘. . . uku ndakakombwa netusvava tutsvuku’
Kingstone Mapupu — VAKADZI vatatu vemhuri imwe chete vekuDema, kwaSeke, havana rugare — mumwe wavo anorota achiyamwiwa nenyoka apo vamwe vaviri vacho vanoona njuzu pose pavanoenda kurwizi kana kudhamu reko…










