Ihondo yedu tose

Kingstone Mapupu  SANGANO rinomirira vaimbova anamujibha nanachimbwido, reZimbabwe Liberation War Collaborators Association (ZILIWACO), rinoti munhu woga-woga ane basa rekuita panyaya yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. Mashoko aya akataurwa naCde Shain Chakanyuka…

Covid yoparadza vasati vabaiwa

 Munyori weKwayedza CHIKAMU chinosvika 90 percent chevanhu vafa neCovid-19 mumasvondo mashoma adarika ndecheavo vasina kubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi. Izvo zvinoratidza kukosha kwechirongwa chiri kuitwa neHurumende chekubaiwa kwevanhu nhomba kana…

Masvondo maviri anga akaipisisa

Thandeka Moyo-Ndlovu VANHU vakawanda vafa neCovid-19 vamwe ndokubatwa nechirwere ichi mumasvondo maviri adarika kana zvichienzaniswa nepachakatanga munaKurume gore rapera zvisinei nechenjedzo iri kuitwa nenyanzvi dzezveutano yekukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho…

Vonobaiwa nhomba nehuwandu hwavo

Kingstone Mapupu CHIPATARA cheParirenyatwa Group of Hospitals muguta reHarare chinoti vanhu vakawanda vari kuendako kunobaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 kusiyana nenguva yadarika apo pakatanga chirongwa ichi. VaLinos Dhire, avo vanova…

Kana kumaruwa iriko Covid: Ishe

Kingstone Mapupu MAMBO Seke, VaStanley Chimanikire, vekudunhu reMashonaland East vanoti munhu wose ari panyatwa yekubatwa nechirwere cheCovid-19 nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho akatarwa ekuzvidzivirira kudenda iri. Vanoti kune vamwe…

5 vafa neCovid vaenda parufu

Freedom Mupanedemo VANHU vashanu vanogara mubhuku rimwe chete vakafa neCovid-19 mukati mesvondo rimwe kudunhu raMambo Sigwala, kuLower Gweru mushure mekunge vaenda pamariro ehama yavo yainge yafa nechirwere ichi. Zviri kunzi…

Dhuma-dhuma nembizi muna Seke Road

Muchaneta Chimuka MURUME ange achityaira motokari yerudzi rweToyota Fortuner aita tsaona paMvurachena kana kuti paChinhamo nhasi mangwanani mumugwagwa Seke Road apo aroverana nembizi ichibva yangofira ipapo iye achibva kuChitungwiza. Tsaona…

Mirai kuenda kurufu: ZCC

Abel Ndooka SANGANO reZimbabwe Council of Churches (ZCC) rinokurudzira veruzhinji kuti vambomira kuenda kudzinhamo kunobata maoko sezvo izvi zviri zvimwe zviri kunyanya kukonzera kupararira kwechirwere cheCovid-19. General-secretary weZCC, Dr Kenneth…

‘Kasikai kuenda kunovhenekwa’

Muchaneta Chimuka DR TINASHE Gede avo vanoshanda kuchikamu chekurapa varwere vane Covid-19 pachipatara cheSt Annes Hospital, muHarare, vanoti kune vanhu vane chitsama vari kurasikirwa neupenyu, zvikuru avo vasina kubaiwa majekiseni…

Vechidiki vakanganisika

Abel Ndooka MURAIRIDZI weNgezi Platinum Stars — Rodwell Dhlakama — anoti remangwana revatambi vazhinji venhabvu, kunyanya vechidiki, rakanganisika zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chiri kukonzera kuti mutambo uyu usatambwe zvinosvika…

×
×