‘Baiwai majekiseni’

Kingstone Mapupu MUMWE chiremba anoti mushonga wejekiseni rekudzivirira chirwere cheCovid-19 wakanaka zvikuru uye anokurudzira veruzhinji kuti vanobaiwa. Doctor Mthokozisi Nkosi, avo vanova sachigaro wesangano reConsumer Protection Commission, vakataura mashoko aya…

Vanodarika miriyoni vabaiwa majakiseni

Muchaneta Chimuka VANHU vabaiwa nhomba kana kuti majekiseni ekuvadzivirira kuchirwere cheCovid-19 muZimbabwe vakadarika miriyoni imwe chete svondo rapera apo Hurumende iri kusimbaradza chirongwa ichi nyika yose. Nemusi weChina svondo rapera,…

Chava chipatapata kunobaiwa nhomba

Muchaneta Chimuka PANGUVA iyo Hurumende, kuburikidza  nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, iri kuramba ichiunza majekiseni ekudzivirira Covid-19 nechinangwa chekuti akwanirane nehuwandu hwevanhu vari munyika, veruzhinji vari kuratidza kutambira nemaoko maviri danho…

Afira mushonga wemubobobo

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekwaMakosa, kuMudzi vari kuferefeta nyaya yemumwe murume anonzi akapondwa nemumwe waainwa naye doro pabhawa mushure megakava rekunzi aiva nemushonga wemubobobo waimuita kuti ashinhe…

Pwere dzoitiswa mabasa akaoma

Muchaneta Chimuka NYAYA dzekushandiswa kwevana mumabasa akasiyana munguva ino apo vagere kudzimba nekuda kwechirwere cheCovid-19 dziri kuwanda sezvo vasiri kuenda kuchikoro sedanho rekumisa kupararira kwedenda iri. Kwayedza inotenderera kuDomboshava, Shamva,…

Varimi musaungane: ZFU

Kingstone Mapupu SANGANO revarimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoyambira nhengo dzaro kuti dzimbomira mabasa anoita kuti vashande vakaungana akaita senhimbe kana kuti jakwara nemikando senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. VaPaul…

Covid-19: Dziviriro mushonga mukuru

VANHU vari kubatwa nevari kufa nechirwere cheCovid-19 vari kuramba vachiwanda – kwete muZimbabwe bedzi, asi nepasi rose. Nyika ino yarasikirwa nevanhu vanodarika 2 200 kusvika pari zvino nekuda kwechirwere ichi…

Votamba munhandare musina vatsigiri

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chiri kupinda muhondo kutanga neChishanu apo chichatatsurana necheBangladesh mumitambo yeOne Day International (ODI) iyo iri kushanda seyeSuper League inove imwe nzira yekurwira kuenda kuWorld…

Akaponda baba natete . . . ngwarirai mhondi ine demo: ZRP

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kutsvaga nemaziso matsvuku murume wekuKadoma nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda vanhu vaviri achiita zvekuvatema nedemo uyewo nedzimwe mhosva dzinosanganisa kubata chibharo, kuparadza…

Covid: ‘Ngwarirai mari yamunobata’

 Muchaneta Chimuka UTACHIONA hwecoronavirus uhwo hunokonzera chirwere cheCovid-19 hunokwanisa kugara kwenguva refu panharembozha kana pamari apo hunogona kurarama huripo kwemazuva 28. Ongororo iyi yakaitwa  nedzimwe nhengo dzeNational Science Agency CSIRO  kunyika yeAustralia…

×
×