‘Hatisisina chekubata’

Abel Ndooka SANGANO revaimbi vechitendero vechidzimai, reZimbabwe Female Gospel Artists Association (ZFGAA), rinoti nhengo dzaro zhinji dzakakanganiswa zvikuru nedenda reCovid-19, naizvozvo vakabatana ndokubura dambarefu ravo iro vanotarisira kuti rigoshandura upenyu…

Haisi nguva yekufunga nhabvu, asi upenyu: PSL

Abel Ndooka PREMIER Soccer League (PSL) inoti ichamirira kuudzwa pamwe nekupihwa mvumo neSport and Recreation Commission (SRC) kuti nhabvu izotanga kutambwa zvekare zvichitevera kumiswa kwayakaitwa pamwe chete nemimwe mitambo apo…

Fodya yopedziswa kutengeswa

Muchaneta Chimuka MWAKA wekutengeswa kwefodya wasvika kumagumo apo misika ichavhara nemusi weChitatu svondo rino uye fodya yekupedzisira iri kutarisirwa kupinda pamusika neChipiri chino. Misika yemakondirakiti ichaenderera mberi nebasa kusvika varimi…

‘Koshesai upenyu’

Kingstone Mapupu SANGANO reZimbabwe National Traditional Healers Association (ZINATHA) riri kuyambira nhengo dzaro kuti dzikoshesa upenyu hwevanhu kwete mari pakushanda kwadzo munguva ino yeCovid-19. Zinatha inoti nhengo dzayo idzo dzinoshandira…

Hondo yeCovid yosimbaradzwa

Munyori weKwayedza VANHU vashaya nekuda kwechirwere cheCovid-19 nyika yose kubva pachatanga kuonekwa muZimbabwe gore rapera vadarika 2 000. Zvisinei, Hurumende iri kusimbaradza zvirongwa zvinobatsira mukurwisa chirwere chanetsa pasi rose ichi…

Vakwegura vanoda zvinodziya – HAZ

Kingstone Mapupu SANGANO rinomirira vakwegura, reHelpAge Zimbabwe (HAZ), nerinoona nezvekodzera dzevakura reOlder Persons Board anokurudzira kuwaniswa kwembatya dzinodziya nekudya kwakakodzera kuvanhu ava munguva ino yechando zvichitevera kukwira kuri kuita vanhu…

Vatambi vaita ngura: Siyachitema

Abel Ndooka MURAIRIDZI wechikwata chenetball cheGlow Petroleum Queens – Perpetau Siyachitema – anoti kugara nguva refu vatambi vemutambo uyu vakangogara kwava kuona vazhinji vachiusiya, kuita ngura kana kutsvaga mamwe mabasa…

Orambira mudzimai kubara vana vakaremara

Kingstone Mapupu MAMBO Negomo vekuChiweshe, kudunhu reMashonaland Central, vari kutsiudza nekuudza veruzhinji panyaya dzekushungurudzana mudzimba panguva ino yekurwisa chirwere chanetsa cheCovid-19 vachiti pfungwa dzose dzevanhu dzinofanirwa kuva pachinangwa chimwechete chekuona…

Machechi otyora mitemo yeCovid

Muchaneta Chimuka PANGUVA iyo nyika iri mushishi kurwisa chirwere cheCovid-19, kune vamwe vanhu — kusanganisira vemachechi — vasiri kutevedzera matanho akatarwa neHurumende ekudzivirira kupararira kwedenda iri izvo zvine njodzi huru…

Mutumbi wakawanikwa mumugodhi

Muchaneta Chimuka MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuferefeta nyaya yemutumbi wemunhurume uyo wakawanikwa uri pamusoro pemvura mutsime paimwe imba iri kuSouthlea Park, muguta eHarare, nemusi weChishanu svondo rapera. Mutauriri…

×
×