Varimi vonyunyuta nemutengo wechibage
MASANGANO anomirira varimi ari kunyunyuta zvikuru zvichitevera danho rakatorwa nemakambani anogaya hupfu rekutanga kutenga chibage neUS$140 patani kubva paUS$300 achiti kuita kwakadai kunodzosera mabasa ekurima munyika kumashure.
PSL: SHASHA PAKUKOCHA
Vamwe voti Pasuwa, Rugg naChidzambwa NYANZVI dzinoongorora mutambo wenhabvu svondo rino dzakadoma varairidzi vakaita saCallisto Pasuwa, Charles Muhlauri naJohn Rugg, pakati pevamwe, seavo vanonzi ndivo vakabata basa guru muPremier Soccer…
Vana ngavarangwe muzvikoro: mambo
HURUMENDE, kuburikidza nebazi rezvedzidzo repuraimari nesekondari, iri kukurudzirwa kuti iongorore zvakare mutemo unoita kuti vana vasarangwe vachiita zvekurohwa muzvikoro sezvo vamwe vana vachinzi vanotora mukana uyu kuita zvehunhubu.
Hwindi ‘akawachiswa’ nemukadzi
Garnet Zvimba HWINDI wekuti akatizwa nemukadzi wake nekuda kwehurombo akaudza dare kuti haakwanise kuriritira mhuri yake sezvo pari zvino zvechihwindi zvisiri kubhadhara.
Zvinoshamisa vanasikana kuve zvikara
IYI nhau yakandisiya ndakaoma mate mukanwa nekuti handainge ndakambonzwa zvakadai. Ndaive ndiri kumba pakati pesvondo apo ndakanzwa zhowe-zhowe kugedhi. Painge pakamira vasikana vaviri mumwe wacho ndiye aidaidzira
Malaria: Zviratidzo nekudziviriro
CHIRWERE chemalaria chinotapurirwa kubva kumunhu nemunhu neumhutu kana kuti utunga uye chakanyanya kuipisisa kana chichinge chabata vana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa nemadzimai akazvitakura.
Jehovha havaonererwe!
IMBWA HAIHUKURE SADZA KUNE nyaya iri kutenderera muHarare ichitenderedza misoro yevanhu kunge vhiri rebhasikoro. Asi makuhwa aya haachisiri makuhwa, nekuti vanhu vari munyaya yacho vakazonomhan’ara nyaya iyi.
Vorwira murume mudare
Memory Lemani MUMWE mudzimai anoti ari kushungurudzwa zvikuru neshamwarikadzi yemurume wake iyo inouya kumba kwake ichimutukirira. Ngonidzashe Kareya akaudza dare reHarare Civil Court kuti Florence Majika ane tsika yekumushungurudza pose…
‘Vana vangu vanogara mudanga renguruve’
Memory Lemani MURUME wekuti vana vake vari kugara mumba mune huchapa hunodarika mudanga renguruve achida kuti apihwe mvumo yekugara navo sezvo akarambana neambove mukadzi wake akazobva kudare musoro umire zvichitevera…
MAONERO EDU: Tsika hadzidaro, muri vanyarikani
SVONDO rino tine nyaya mbiri, idzo dzinopesana zvikuru netsika nemagariro echivanhu – nyaya dzemakunakuna. Nyaya yekutanga ndeyemukuwasha naambuya, avo vanonzi vakaita chipini kunzvimbo yakagariswa vanhu patsva kumapurazi ekuNorton.




