Varimi vonyunyuta nemutengo wechibage

MASANGANO anomirira varimi ari kunyunyuta zvikuru zvichitevera danho rakatorwa nemakambani anogaya hupfu rekutanga kutenga chibage neUS$140 patani kubva paUS$300 achiti kuita kwakadai kunodzosera mabasa ekurima munyika kumashure.

Makambani anogaya hupfu akatora danho iri achiti zvakachipa kutenga hupfu kune dzimwe nyika pane kutenga chibage chemuno icho chinozogaiwa zvinova zvinovadhurira.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union, VaWonder Chabikwa, vanoti Hurumende inofanira kupindira nekukasika kuitira kuti kutengwa kweupfu kune dzimwe nyika kurambidzwe sezvo zviri izvo zviri kukonzera kudzikira kwemutengo wechibage.

Vanoti hazvibatsiri kuti vari mubhizimusi rekugaya vatenge hupfu uhwu kune dzimwe nyika nekuti zvinosiya varimi vemuno vakaomerwa.

“Zvingori pachena kuti vari mubhizimusi rehupfu vanosarudza kutenga upfu hwakachipa hwekune dzimwe nyika zvinova zvinozomutsa makwikwi mubhizimusi rehupfu nokudaro murimi wemuno anorasikirwa,” vakadaro.

VaChabikwa vanoti kunyangwe zvazvo nyika yakatarisana nekushomeka kwechibage kutenga hupfu kune dzimwe nyika handiko kunopedza dambudziko iri.

“Zviri nani kuti vari mubhizimusi rekugaya hupfu vange vachitenga chibage kune dzimwe nyika kuitira kuti vagopa basa kuvanhu vanogaya.

“Hatizivi, kuti hupfu huri kubva kune dzimwe nyika uhwu hahusi hwemaGeneric Modified Organisms (GMO) here kana kuti kwete?” vakadaro.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Association Trust, Mai Depinah Nkomo, vakatiwo kutengwa kwezvirimwa zvinobva kune dzimwe nyika kuri kukanganisa misika yevarimi vemuno.

Vanoti varimi vemuZimbabwe vari kukundikana kuwana mitengo inovagutsa nekuda kwekuti nyika yazara nezvirimwa zvinobva kune dzimwe nyika.

“Isu tiri kutoda kuti mitengo yechibage inge ichikwira kuenda paUS$400 patani kuitira kuti inge ichitigutsa,” vakadaro.

Zvakadaro, imwe nyanzvi munyaya dzezvekurima, VaMidway Bhunu, vanoti zvakakosha kuti mitengo yezvirimwa ive inopa pundutso kuvarimi sezvo izvi zvichisimudzira mabasa ekurima munyika.

“Varimi vanofanira kutsigirwa nemitengo inovagutsa kuitira kuti vagokwanisa kudzokera kuminda mwaka unotevera,” vakadaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×