Chembere yoroverwa kutaura chokwadi

Kingstone Mapupu

CHEMBERE iya inogara mumusha weGlen Norah A, muguta reHarare yekugara ichirohwa nemwanakomana wayo gotwe ichipomerwa kuti muroyi uye ichida kutorerwa imba, yakazorikitwa zvakare mushure mekuita hurukuro neKwayedza ichinzi yainge yataurirei nebepanhau iri nezvekushungurudzwa kwairi kuitwa.

Mbuya Shupi Kamuzungu (67) vepanhamba 1489 Nharira Crescent, KuGlen Norah A – avo vanova shirikadzi – vanoti vari kugara vachirohwa nemwanakomana wavo, Samuel Kamuzungu (30).

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakaita hurukuro naambuya ava vachiburitsa nhunha dzavo dzekugara vachirohwa nemwana wavo uyu.
Kamuzungu musi washanyirwa neKwayedza pamba apa akawanikwa asipo uye anonzi akazosvika achirova amai vake achiti sei vainge vataura nyaya yekushungurudzwa kwavo kubepanhau iri.

Mbuya Kamuzungu vakaridzira Kwayedza nhare nemusi weChitatu chino vachiti vakatotiza pamba pavo mushure mekurohwa uye vari kumba kwemwanasikana wavo anogara kuGlen View uko vakanopotera.

“Ndatambura mwanangu, dai mandibatsirawo. Chokwadi here kugara ndichirohwa nemwana wekubereka? Pamakangobva chete imi (kureva munyori uno), akazviziva kuti mataura neni ndokuuya achiti ndivanaani vamunonzi manga muchitaura navo? Akatanga kundirova zvakaomarara zvekuti kutaura kuno ndakatotiza pamba, ndiri kumba kwemukuwasha,” vanodaro Mbuya Kamuzungu.

Vanoti mwanakomana wavo akazosara zvakare achivapomera kuti vakadya mari yemuroja waakatsvaga anogara muimba yekubikira.
“Ndakazotaurira mumwe mukoma wake uyo akazomuvinga akamurovawo nekuda kwenyaya iyi,” vanodaro Mbuya Kamuzungu.

Related Posts

Mukadzi (19) abara mapatya ndokuapisa

Raymond Jaravaza MUKADZI ane makore 19 okuberekwa wekuMakokoba, kuBulawayo akasungwa nemhosva yekupisa vana mapatya avo vaaive achangobva kubara uye ndokuzonovakanda kunzvimbo inorasirwa marara. Akazivikanwa saPraise Chibwanda. Mitumbi yemapatya aya yakawanikwa…

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×