Chikoro cheRutope choitwa bhodhingi

VAGARI vekwaMusiiwa, kudunhu raMusana, kuMashonaland Central vari kugashira nemufaro kuvandudzwa kwechikoro cheRutope Secondary School, icho chichazenge chodzidzwa vamwe vana vachigarapo.
Mumiriri weBindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira, vakazivisa vagari vedunhu iri nezvekukwidziridzwa kwechikoro ichi pamusangano wakaitirwa panzvimbo yemabhizimisi yeMusiiwa nguva pfupi yadarika.

Vakati vakatonyorera kuHurumende kuti chikoro ichi chivandudzwe chikwanise kuita zvidzidzo zvinosvika Form 6 rinova danho ravakati rakabvumwa.

“Chikoro cheRutope chava kuzova chebhodhingi, takapedza kare nevebazi rezvedzidzo uyewo vabereki takabvumirana navo kuti vakanye zvidhinha, zvimwe zvose zvinosanganisira samende, marata nemahwindofurema tinotenga,” vakadaro Cde Matangira.

Vakati ivo senhengo yeParamende inomirira dunhu iri, vane madzisahwira avo ayo avari kushanda nawo kuti chikoro ichi chivandudzwe.

Cde Matangira vakashora vamwe vanhu vavanoti vanodzosera shure budiriro nekusada pfungwa dzevamwe.

Vakataura mashoko aya vachiti kune vamwe vaipesana nepfungwa yekuti chikoro ichi chiitwe bhodhingi.

“Ngativei nemweya webudiriro zvisinei kuti yabva kuna ani. Vana vedu vechikoro nekuzenge pava nebhodhingi vanoda kurapwa pasina dambudziko, saka kunze kwekiriniki yeMusiiwa, tine mamwe makiriniki matatu atinoda kuvaka ayo atova nezvidhinha nezvimwe zvekuvakisa,” vakadaro Cde Matangira.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×