Chikwambo cheshanje chakarasiswa

MUSIKANA uye wekwaMutare, wekubuda muKwayedza achiti ari kuitwa mukadzi nezvikwambo izvo zvinomuitira shanje dzekuti asadanane nemukomana kana kuroorwa, anoti akazobatsirwa zvichitevera kubuda kwenyaya yake.Felistas Seda (21) ari kushandirwa nen’anga mbiri dzekuChitungwiza uye pari zvino ari kugara nemukomna wake kuGlen View, muHarare.

“Ndinotenda zvikuru Kwayedza nekuita kuti dambudziko rangu rizivikanwe neveruzhinji dakara ndasvitswa kuno.

‘‘Vabereki vangu vaona nyaya yakabuda muKwayedza, vakazoenda kune mumwe mukuru weZinatha wekwaMutare uko takazosvitswa kuno.

“Murume kana kuti chinhu chaindiita mukadzi chainge chakaturikwa pandiri asi chakazobviswa nambuya ava (kureva n’anga). Handizive kuti ndinovatenda sei,” anodaro Seda.

Anoti kare aisaziva zvaaiita achiti murume ainge akaiswa paari uyu aingomuita mudzimai chero nguva, angava masikati kana husiku uye aitozobengenuka pava paye.

“Ndakauya pano svondo rakapera ndikabatsirwa izvo zvisina kuita muswere. Mweya waindinetsa uyu wakabviswa, unonzi wakabuda ukataura kuti, ‘Musandibvise pamukadzi wangu imi, ndakamupihwa kare’. Zvinonzi mweya uyu wakazoenda zvawo,” anodaro Seda.

N’anga iri kushandira musikana uyu, Mbuya Sarah Sithole Pfidze (43), vachibatsirana nemurume wavo, VaNever Pfidze (51), vanotsinhira kuti mweya waishungurudza musikana uyu wakabviswa svondo rakapera.

“Midzimu yandinayo mitanhatu, yakabatana ikarwisana nebvuri kana kuti mweya waiva wakaiswa pamusikana uyu kuti asazowana anomuroora kana kuita mhuri,” vanodaro.

Vanoti mweya uyu wakabviswa kuburikidza nekufemba bute uye unonzi wakadzoserwa kumuridzi akauisa pana Seda.

VaPfidze vanoyambira veruzhinji kuti vasagare nevana mudzimba kana vachinge vaona vave kuita zvinhu zvavasinganzwisise asi kuti vatsvage rubatsiro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *