Chitunha chakadyiwa chichiri mumba . . . Vakadzi vaviri vari kubvuma

Munyaradzi Musiiwa
VAGARI vemubhuku raNdangara, kwaChireya, kuGokwe, vakasara vasina neremuromo svondo rapera apo vakadzi vaviri vanonzi vakacheka mitezo yemuviri wechitunha chemunhurume anova hama yavo panguva iyo vanhu vainge vari parufu, ndokudya nyama yacho.

Nyaya iyi yakaitika apo vakadzi vakuru ava – avo vasina kudurwa nemazita avo – vanonzi vakadzura maziso, nyama dzemumatama uye nhengo dzakavandika dzemufi uyu ndokudya. Mambo Chireya vanotsinhira nezvenyaya iyi vachiti vakatodaidza madzimai maviri aya kudare ravo kuti vazopindura mhosva yavari kupomerwa iyi.

“Ichokwadi takadeedza madzimai maviri ekwaSabhuku Ndangara kudare kwangu mushure mekunge pamuka nyaya yekuti vari kupomerwa mhosva yekutora mitezo yechitunha chehama yavo yechirume vachibva vaidya.

“Zvinonzi madzimai maviri aya akanga akarara muimba yekubikira munova mainge muine mutumbi wemufi.

“Madzimai aya anonzi akabva audza dzimwe hama dzaiva mumba umu kuti dzidzime mwenje panova pavanonzi vakatora mukana uyu kubvisa maziso nenyama dzemumatama nesikarudzi yemufi.

“Gure iri rakazobuda pachena apo vanhu vakanga vave kuona mutumbi wemufi pakuonekedzana naye panova apo dzimwe hama dzakazoona kuti mimwe mitezo yakanga isisipo,” vanodaro mambo ava.

Mambo Chireya vanoti vakadzi vaviri ava ndivo vari kupomerwa mhosva iyi sezvo vari ivo vakarara muimba yekubikira umo makanga muine mutumbi.

“Pandakabvunza madzimai maviri aya nezvenyaya iyi, vakatanga kupomerana mhosva yekudya mitezo yemufi ivo pachavo. Saka takatodeedza n’anga kuti izotibatsira kuti tizive kuti pavaviri ivava ndiyani chaiye muparanzvongo,” vanodaro.

Muimwe vhidhiyo yakaonekwa nevatori venhau, madzimai vaviri aya anoonekwa achipomerana mhosva inotyisa iyi.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×