Cornerstone: Chikoro chinodadisa

CHIKORO cheCornerstone Primary School, icho chiri kuZengeza 5 Extension, kuChitungwiza, chinorumbidzwa nekushanda kwachiri kuita mukusimudzira dzidzo nezvivakwa.

Rumbidzo iyi yakaitwa nachamangwiza wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, svondo rapera apo vaive muenzi anoremekedzwa pazuva rekupihwa mibairo kuvana vakakunda vamwe muzvidzidzo zvakasiyana.

“Kunze kwekunaka kwezvivakwa zvepachikoro chino izvo zvinobvira pamudhuri, tinofara kuti vadzidzi vepachikoro chino vari kudarika chikamu che85% pakupasa pabvunzo dzavakanyora temu ino. Vamwe vacho ndivo vatiri kupa mibairo uye tiri kutarisira kubura madhokotera anozouya achifundira mabasa ekurapa pachipatara cheChitungwiza Central Hospital,” vanodaro Dr Moyo.

Dr Moyo vanokurudzira vemabhizimusi nevagari vemunharaunda kuti vatsigire chikoro ichi. Vachitaurawo pachiitiko ichi, vakafanobata chigaro chemukuru weCornerstone Junior School, Mai Delphine Chipunza, vanoti chikoro chavo chave nemwedzi gumi nemiviri chavambwa, nokudaro vana vepo havasati vatanga kunyora bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council. “Chikoro chedu chakatanga kushanda zviri pamutemo nomusi wa12 Ndira 2016 nekudaro hatisati tanyoresa bvunzo dzeruzhinji kuti tione patimire. Asi tinovimba kuti tichange tiri pamberi nekuda kwenyanzvi dzevadzidzisi vari pano. Pari zvino tine vadzidzi 108 vari kuchikamu cheJunior School kuchizoti 17 vari kuSenior School,” vanodaro.

Vanofara kuti chikoro chavo ndicho chekutanga muChitungwiza mukuwanisa vadzidzi mukana wekuita mitambo yakaita sekutuhwinha, cricket, basketball, chess, rugby netennis.

Mai Elizabeth Mukuwane, avo vanove head of trustees kuJunior School, vanotenda nekuwaniswa nzvimbo yekuvaka chikoro ichi.

“Patakapihwa nzvimbo ino takambofunga kuti tarasiswa nekuda kwemazitombo aive pano. Takazoona kuti matombo aya akakosha zvikuru tichibva taashandisa kuvaka mudhuri wechikoro. Tinoona vezvimwe zvikoro vachishanya kuzoona zvivakwa zvedu,” vanodaro. Mukuru wechikoro cheCornerstone Senior School, Mai Angella Katsuwa, vanoti vane shungu dzekuti chikoro chavo chive pamberi pazvidzidzo zvesainzi.

“Vana vose vari pano, kubvira ECD kusvika Form 6, vanoita zvidzidzo zvesainzi nekuti tinoda kufambirana nechirongwa cheHurumende cheSTEM. Tine mitambo yakawanda zvekuti hazvishamisi kuti muone vana vachituhwina pano nekuti takaona kuti mitambo inobatsira panjere dzevana.

“Mugore ra2018, tiri kutarisira kunge tava nebhodhingi pano kuitira vana vanobva kure,” vanodaro.

Cornerstone Primary yakahwinha menduru yegoridhe mumakwikwi emutambo wecricket nguva pfupi yadarika.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *