Covid-19 nevanorarama neHIV

Dr Hellen Kabaya

UTACHIONA hweHIV hunoparadza masoja emuviri ayo anobatsira mukudzivirira zvirwere.
Kuva nemuviri wakagwinya kunobatsira mukurwisa zvirwere zvese zvinouya kusanganisira Corona Virus2 (SARS-CoV2).

Nyanzvi dzinoona nezvesayenzi dzinoti dzichiri kunzvera maringe nechirwere cheCovid-19 kuti chinokanganisa zvakadii vanhu vanorarama neutachiona hweHIV.

Paongororo iripo, inoratidza kuti vanhu vanorarama neutachiona hweHIV kana vari kutora mishonga yavo zvakakwana, mikana yekubatwa nechirwere cheCovid-19 inoderera.

Vanhu vakwegura nevanorwara vane mikana yekubatwa neCovid-19 zvakasimba vachiptopihwa mibhedha muzvipatara kana kurasikirwa neupenyu kusanganisira vane utachiona hweHIV avo vanenge vane CD4 Count yakaderera nevanenge vasiri kutora mishonga yavo nemazvo.

Zvakakosha kuti munhu mumwe nemumwe azive paamire maringe neutachiona hweHIV.
Kana munhu achinge aonekwa kuti ane utachiona hweHIV anopinzwa pachirongwa chekutanga kutora mapiritsi.

Vanhu vanorarama neutachiona hweHIV vanokurudzirwa kutevedza mitemo yakatarwa neHurumende mukurwisa chirwere cheCovid-19.

l Vhara muromo wako nemhuno netishu kana kukosorera mugokora, kana wapedza rasa tishu iroro panzvimbo yakakodzera.
l Usabata maziso, mhuno, muromo usina kugeza maoko.
l Shambidza maoko ako nasanitizer kana sipo nemvura.
l Pfeka masiki yako uzvidzivirire kuutachiona hweCovid-19
l Regedzai kuungana
l Garai panzvimbo dzinopinda mhepo

Dr Kabaya mudzidzi wezvePublic Health vachishandira sangano reNAC pari zvino.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×