COVID-19: Ziyai mikuhlani

Muchaneta Chimuka
MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidzwa kuti coronavirus kana kuti Covid-19 icho chaambukira nyika  dzakawanda kukumanidzira Zimbabwe.

Coronavirus utachiona hunoite kuti muntu apindwe ngechando denda reizokura mukuhamba kwenguwa .

 Inotapukira kanjani  COVID-19?

COVID-19 inokasira kuambukira maningi zve inokona kubatika zvirinyore. Ngekubata munhu unayo kana kuenderwa ngemata emunhu unayo.

kana mumhepo pakukotsora kana kuhotsira.

kugwamana nemunhu unayo.

kubate peinonga iri pasimbi tebhura kana chipi chiro

kugwana nemunhu unorwara ndio kana kubve kumhuka dzemushango

Zvinokombidza kuti ungadano unayo

Zvinokombidza ngeizvi: kupindwa ngechando, kurwadziwa muditi, kupandwa  ngehloko, kurwadziwa nepahuro nekukotsora weibude besha.

Zvikhombidzo izvi zvinoqaya  zviri zvishomani  asizveizowanda ngemukuo zve zvinokona kuuraya muntu.

Zveungaitei  waite  fungidziro  kuti  une Covid-19:

Kana wafungira kuti une Covid-19, chaya  namba dzekubazi rezveutano nekurerwa kahle  Ana — Hotline: +263 714 734 593 kana +263 774 112 531

Ungadini kuti usabatwa nge COVID-19?

gara kuretu nevanhu weisire munga we 1 metre.

usabate mhuka usizi kudziirira .

konye muromo pakukotsora kana kuotsirire paboko (mukati mwechikokora)

rekere kubate hope kakurutu muriomo nemadziso.

shambe nyara ngesipo mukuo weshe weshe .

ende pako wega kwemazuwa 14 kana wabve kunyika dzine denda iri

Geza maoko usati waamwisa mwana

Usaite murunzo kuende kune nyika dzine denda iri or kuende kumizi dzevantu mumigangamwo.

Uripamuzi, irya chikafu chinoaka mwiri, wooone mukuo wakakwana wekuwata pamwe nekuite mishando inode simba kuti mwiri urambe wakagwinya .

Musahamba hamba bhuyai pa paWhatsApp nehama nevangani .

Usamwe doro kana kubheme zvinopambanise soro.

Kana ukaona warwara tsvake rudetsero kana kufona.

Usawanze mukuo wekuone zvinokhataza paTV kana mumamafoni magumbu anoite kuti utikabezeke.

 

Ruzivo urwu rwunobva kubazi rezveutano nekurerwa kahle KweAana rakabatana neWorld Health Organisation.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×