CUMA yoshuvira Division One

Abel Ndooka—

MUTAMBI wemaWarriors neBidvest Wits yekuSouth Africa, Cuthbert Malajila, anoti anoshuvira chaizvo kuona chikwata chake cheCUMA Football Academy icho chiri muZifa Division Two B chichikwikwidza muDivision One.

Malajila, uyo parizvino ari kuGabon nemaWarriors kumitambo yeAfrica Cup of Nations (Afcon), akabatana nemumwe muzvinabhizimisi wekuKadoma anonzi Hubert Manyowa kuvamba chikwata cheCUMA Football Academy.

Mwaka wadarika, CUMA Football Academy yakapotsa nepadiki kupinda muDivision One.

Yakapedza iri pechitatu palog kumashure kweMakwiro neBlue Jets.

Malajila anoti mwaka uno chishuvo chavo kubudirira kupinda muDisivion One.

“Chishuvo changu kuona chikwata chedu chichipinda muDivision one mwaka unotevera,” anodaro Malajila.

Anoenderera mberi achiti, “Tiri kushanda nesimba kuti tibate basa nekuti chikwata chedu chine vatambi vechidiki vane tarenda vari kusimuka avo tinoda kuona vachikwikwidza nhabvu yepamusoro.

“Kupinda muZifa Division One kuchazarura mikana yakawanda kuchikwata chedu pamwe nevatambi vedu,” anodaro Malajila.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *