DeMbare yabhadhariswa faindi yekukonzeresa nyonga-nyonga

Veronica Gwaze

CHIKWATA cheDynamos, icho chakahwinha mukombe weChibuku Super Cup, chakabhadhariswa faindi nemusi weChipiri svondo rino mushure mekubatwa nemhosva yekukonzera nyonga-nyonga mumutambo wacho wefainari neTriangle United kunhandare yeGibbo nemusi wa29 Mbudzi.
Sangano rePremier Soccer League (PSL) rakange risina kupa DeMbare US$75 000, unove mubairo wekuhwinha kwayakaita mukombe uyu kechitatu uye kakatevedzana.

Kunyangwe zvazvo Dynamos yave kuchengeta mukombe uyu zvachose, izvo zvichaita kuti vakotsveri vemutambo uyu — Delta Beverages — vatsvage mukombe mutsva gore rinotevera, haisi kuzowana mari yose kubva pamubairo uyu.
Izvi zviri kukonzerwa nechirango chakatemerwa Dynamos neDisciplinary Committee yePSL chekubhadhara faindi yeUS$4 500 nokuda kwekukonzera kwayakaita nyonga-nyonga, izvo zvakaita kuti mutambo weChibuk Super Cup unonoke kutanga nemaminitsi 20.

DeMbare yakazohwinha mutambo uyu 1-0.

Komiti yePSL iyi yakatemera zvirango zvakare kuutungamiriri hwechikwata cheDyanmos, icho chairairidzwa naKelvin Kaindu.

Aimbove mutambi weDeMbare wekumberi, Takesure Chinyama, Thomas Ruzive naThulani Muzambwa vamwe veutungamiriri hwechikwata ichi vakabhadhariswa faindi.
Utungamiriri hweDynamos hwakataridza kutsutsumwa nokuda kwekushandiswa kwemabhora aive akanyorwa mazita neTriangle United chete, vachiti panofanirwa kuve nemabhora anopihwa nevakotsveri vemutambo uyu asina divi raakarerekera.

Izvi zvakaita kuti mutambo uyu unonoke kutambwa.
Dynamos yakange yabvuma mhosva yayo yekukanganisa mutambo uyu apo disciplinary committee yakagara pasi ichizeya nyaya iyi nguva pfupi yadarika.
Nomusi weChipiri svondo rino, komiti iyi yakapa mutongo wayo kuburikidza nePSL.

Dynamos yakabatwa nemhosva yekukonzera nyonga-nyonga apo yaitamba neTriangle United.
“Mushure mekuongorora zvakapihwa, disciplinary committee yabhadharisa Dynamos mari inosvika US$4 500. Pamusoro pezvo, utungamiriri hwechikwata ichi, mumwe nemumwe wavo, abhadhariswa faindi yeUS$300,” rinodaro gwaro rakabva kuPSL.

Kaindu, uyo aitungamirira vamwe vose pakatambwa fainari yemutambo uyu, akabva kuDynamos uye ave kuchikwata cheHardrock, icho chichangopinda muCastle Premier Soccer League kubva kuCentral Region Soccer League.
Zvisinei, muraidzi uyu, uyo anove chizvarwa chekuZambia, anotarisirwa kubhadhara faindi iyi.

Nerimwe divi, PSL ichabvisa mari yefaindi yakabhadhariswa Dynamos kubva pamubairo wavo weChibuku Super Cup weUS$75 000.
DeMbare parizvino iri mushishi kutsvaga murairidzi achatsiva Kaindu, uyo anotarisirwa kuronga chikwata cha2026.
Hazvisati zvave kuzivikanwa zvakare kuti Dynamos ichazvipira here kumirira Zimbabwe kumutambo weCAF Confederation Cup mushure mekusarudza kusaende kumakwikwi aya muna 2025.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×