Abel Ndooka
MUIMBI wenziyo dzechimurenga neAfro-fusion Tawanda Chisasa, uyo anozivikanwa nevazhinji saHonourable Tawaz, svondo radarika akabura dambarefu rake rechitatu, rinova mutakunazva wenzeve.
Dambarefu iri, iro rinonzi “Sekuru Ndini, Chimurenga Chamuka” rine nziyo nhanhatu dzinoti “Gweja”, “Tanga Yaunopedza”, “Mukadzi weMunhu”, “Eunice”, “Breadwinner” uye “Zimbabwe”.
Muhurukuro neKwayedza, Honourable Tawaz, avo vanotungamira Cross Country Band, vakati rwendo rwavakafamba vachibika dambarefu ravo idzva iri rwange rwusiri nyore. Paive nekushanda nesimba pakubika mhanzi ine dzidziso iyi.
“Ndiri kunzwa kufara chaizvo zvokuti kutaura kuno ndakagara mudenga rechinomwe.
“Takakwanisa kuparura dambarefu rangu rechitatu musi weSvondo wadarika uye zviri kurakidza kuti riri kugamuchirwa nemaoko maviri nevatsigiri vemhanzi.
“Asi rwendo rwacho rwokuti ndisvike pano nhasi rwange rwakareba nokuti ndange ndichinyatsodzamisa pfungwa, ndichinyora nziyo dzangu kuti dzibude dziine dzidziso yakasimba.
“Ini ndiri muimbi uya wokuti handingoburitsi mhanzi zvokungonzi ndaburitsa chete; kwete. Ndinoda kuburitsa mhanzi ine dzidziso yakasimba.
“Ndinovimba kuti mhanzi yandakabika iri padambarefu rangu iri ichapa dzidziso yakasimba kuvatsigiri vangu,” vakadaro Honourable Tawaz.
Padambarefu iri, nziyo dzinoti “Tanga Yaunopedza” na“Gweja” dzakabva dzabudirana nemavhidhiyo acho. Honourable Tawaz vakaita izvi kuti zvibatsire kuti damabrefu ravo rikurumidze kugamuchirwa nevatsigiri vavo.
“Panguva imwe cheteyo, pandaibika mhanzi iri padambarefu rangu idzva iri, kune rimwe divi ndaibika mavhidhiyo enziyo dzacho zvokuti kutaura kuno mavhidhiyo enziyo dzinoti ‘Tanga Yaunopedza’ na‘Gweja’ akatobuda.
“Mavhidhiyo akakosha zvikuru nokuti anobatsira kuti mhanzi isvike kuvanhu.
“Tikatarisisa, tinoona kuti mazuva ano vanhu vanoda kuona zvakanyanya mavhidhiyo emhanzi, saka ndakati pandiri kubiritsa mhanzi yangu ndibve ndaburitsawo nemavhidhiyo,” akadaro.
Honourable Tawaz vanozivikanwa nedzimwe nziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira “Guka”, “Kutsoma Vamwe” na“Masvikiro”.