KWAYEDZA

Chembere ichiri kutsvagwa yanyangarika pasowe muna 2003

Kingstone Mapupu

VEMHURI inobva kwaDzapasi, kuMuchinjike, mudunhu raMambo Mangwende, munharaunda yeMashonaland East, vanoti vari kutsvaga ambuya vavo, amai vaamai vavo, vavanoti vakangobva pasowe pavaibatsirwa makore makumi maviri nematatu adarika ndokushaikwa zvachose kusvikira nanhasi.

Gogo Ednah Chipuriro, avo vasina kuzivikanwa kuti vakanga vasvitsa makore mangani okuberekwa panguva yavakashaikwa iyi, vanonzi vakatorwa nemhuri yavo ndokuendwa navo kusowe rechechi yeJohane Masowe yeChishanu, uko vanonzi vakangosimuka paiva nevamwe vanamati, ndokutaura kuti vaida kunozvibatsira, vachibva vashaikwa zvachose.

Mai Patience Mariti (56), mumwe wevazukuru vaambuya ava, avo vanogara mumusha weWaterfalls, muguta reHarare, uye vakaroorwa kuSuswe, kwaMambo Nyamukoho, vanoti ambuya vavo vakatanga vachiita sevanoda kubudirwa nemudzimu, vachibva vatanga kurwara nepfungwa, pashure ndokufambwa navo muchivanhu nemumaporofita nevavariro yekuvarapisa.

“Amai vedu ndivo vakaberekwa nagogo ava. Isuwo takaberekwa naamai vedu ava tiri vasere, vaviri ndokuzoshaika zvavo.

Gogo Shumba

“Gogo vedu vakatanga kuita sevaida kupoterwa nemudzimu; vakangobva pamba pavaigara naamai vangu kuMabvuku. Pazuva ravakashaika iri vanonzi vakanga vaendwa navo kumasowe, uko vaida kunobatsirwa kuti mhepo yaiva pavari ibviswe,” vanodaro Mai Mariti.

“Gogo, amai vaamai, vaigara nemwanasikana wavo uyu, vanova amai vedu, Joice Chivengwa, avo vakazoshaikawo mugore ra2016.

“Nokuda kwedambudziko iri, mugore iroro ra2003, zvinonzi amai vangu nevamwe vaiva pamba kuMabvuku vakatorana nagogo, ndokuenda navo pane rimwe sowe rekuMabvuku, uko vakanogara nevamwe vachibatsirwa kupedza dambudziko iri,” vanodaro Mai Mariti.

Vanoti gogo ava vakambenge vashandirwa, kuchida kubviswa mweya unonzi waivatambudza, apo vanonzi vakazokumbira kuenda kunozvibatsira panzvimbo imwe chete iyi, vakaregwa vachienda.

“Kubatsirwa kwevanhu nekunamatirwa kwakaramba kuchifambira mberi, vanhu vachimirira kudzoka kwagogo vedu, asi havana kudzoka ipapo. Amai vangu nevamwe vanhu vaiva pamasowe apa vakazoona munhu atora nguva refu asina kudzoka, ndokutevera kusango, vakanoshaya munhu,” vanodaro Mai Mariti.

Vanoti vanhu vakazobva pamasowe apa, ndokuita fararira nemusango, pedyo nesowe iri, vachivatsvaga asi vakavashaya.

“Ini semunhu aisagara ikoko ndakazoendako ndanzwa nyaya yekushaikwa kwagogo ava.

“Nyaya iyi yakasvitswa kumapurisa, ndokuramba tichitsvaga kunyangwe nekuzvipatara, kumamochari nekumwe kwakasiyana-siyana, kwaisanganisira kumigodhi, asi hapana chakabuda kusvikira nanhasi. Tiri kungotsvaga ambuya ava vakatsakatika vachibva pasowe,” vanodaro Mai Mariti.

Vanoti vakarambawo vachifamba muchivanhu zvose nekumaporofita vachitsvaga kwakaenda ambuya ava, asi hapana chakabuda kusvikira nanhasi.

“Amai vangu, Joice Chivengwa, vakazoshaikawo mugore ra2016, ndokutisiya tiine mutoro wekutadza kuziva kuti ambuya vakaenda kupi. Dai takawana pane guva ravo chete kana nzvimbo yavakapararira zvaitifadza,” vanodaro Mai Mariti.

Vanoti kwavanofamba vanoudzwa kuti ambuya ava vakashaika kare asi hakuna anogona kuvataurira kuti vakafira kupi kana kuti marangwanda avo anowanikwa kupi kana kuti vakafa sei.

“Mhuri yedu yose tine minyama mikuru inonzi inokonzerwa nemweya waambuya ava. Zvinonzi vari kuti vanoda kuradzikwa zvine mutsigo.

Mai mMariti.psd

“Tinovaradzika sei kwavakafira kwacho tisingakuzivi? Tinoshuvira kuti mweya waambuya utaure woga, zvino vanhu vakadaro vari kushaikwa,” vanodaro Mai Mariti.

Vanoti vane mumwe munin’ina wavo akangoshaikwawo mushure mekuenda kuSouth Africa. Sokutaura kwavo, haana kuzombodzoka kana kuonekwa mushure mekubva panhamo yaamai vavo muna 2016.

“Tine mumwe munin’ina wedu, Fortunate Chivengwa, uyo akaenda kuSouth Africa. Hatina kuzombonzwa nezvake. Haaridzi kana nhare zvayo.

“Padarika makore gumi tamushaya. Zvinonzi mhepo imwe chete yakapeperetsa ambuya ava ndiyo yakamuputirawo zvakare. Hatizivi kuti mupenyu here,” vanodaro Mai Mariti.

Vanoti akagumisira kuuya kunhamo yaamai vavo muna 2016.

“Kunze kwedambudziko revanhu vanongotsakatika, vamwe vari kupera kusungwa zvisina tsarukano. Izvozvi hanzvadzi yangu, gotwe mumba medu, iri mujeri kwaMutoko. Hakuna chatinobata chinofambira mberi; kutambura kwoga kwoga.

“Vekumusha kwanagogo, vanasekuru, vanotiwo titsvage ambuya kusvikira tavawana. Handizivi kuti tinovawana kupi,” vanodaro Mai Mariti.

Vanoti kwavari kufamba vari kunzi gogo ava zvose nemunin’ina wavo vakafa kare.

“Izvozvi ndinombotaurawo nevanin’ina vangu Precious Chivengwa naRebecca Matorwa nokuda kwenyaya idzi, asi vose vakatopererwa.

“Tine imwe hama yedu yepedyo inotaura kuti tichatambura kusvikira pokupedzisira. Mhosva handizivi kuti ndeyei,” vanodaro Mai Mariti.

Gogo Shumba, vekuGrange, muguta reHarare, vanoti ambuya ava vanogona kunge vaiva nemudzimu wedzinza, uyo vanhu vaimanikidza kubvisa kusvikira wauraya munhu,
kana kuti pane vapenyu vanoshereketa kuti mhepo dzakaipa dzisimuke.

“Mhuri iyi inoda kubatsirwa nekukasika; zvinopera,” vanodaro Gogo Shumba.

Leave a Comment