Dzidzo yakawedzerwa mari

Joseph Madzimure

CHIKAMU chedzidzo ndicho chakapihwa mari yakawanda kudarika mamwe mapazi eHurumende inova $10,7 bhiriyoni mubhajeti regore rinouya.

Mari iyi ichashandiswa nebazi redzidzo repuraimari nesekondari pamwe chete neredzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwemuchina.

Vachitura hurongwa hwemashandisirwo emari yebhajeti ra2020 mudare reParamende nemusi weChina chadarika, gurukota rezvemari, Professor Mthuli Ncube, vanoti mari inosvika $8,5 bhiriyoni ichashandiswa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuchiti $2,2 bhiriyoni ichaenda kubazi redzidzo yepamusoro.

“Kuona kuti pane dzidzo yemhando yepamusoro, tichipa mikana yakaenzana kuvanakomana nevanasikana, ndizvo zvinodiwa nenyika kuti mwana wose aende kuchikoro. Hurumende yakazvipira kuti hapana mwana anosara,” vanodaro Prof Ncube.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mubhajeti ra2020, basa guru ratichatarisana naro kupedziswa kuvakwa kwemizinda yemaInnovation Hubs ekudzidzira mabasa emawoko kumayunivhesiti matanhatu eHurumende.”

Prof Ncube vanoti chirongwa chekudzidzisa vanenge vapedza fundo mabasa akasiyana, cheApprenticeship, chichaenderera mberi gore rinouya.

“Chirongwa cheApprenticeship, icho chakavambwa gore radarika chakaona vadzidzi 1 000 vachapinzwa muchirongwa ichi, chiri kuenderera mberi uye tiri kutarisira kutora vamwe 1 000 zvakare pakutanga kwegore rinotevera,” vanodaro Prof Ncube.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *